Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoita Musangano neVashandi Vhiki Rino Apo Mitengo yeZvinhu Yowedzerwa Zvakanyanya


Muzvinafundo Paul Mavima
Muzvinafundo Paul Mavima

Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti hurumende yakagadzirira kuita musangano nevashandi vayo kuti izeye nyaya yemari yemihoro yavo.

Musangano uyu uri kutarisirwa kuitwa nemusi weChitatu uye uri kuuya apo sangano reConsumer Council of Zimbabwe raburitsa mashoko ekuti mitengo yezvinhu yakakwira nezvikamu zvinodarika makumi maviri nezvishanu kubva muzana kana kuti 25,9%.

Izvi zvinoreva kuti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inosvika zviuru makumi manomwe nemaviri zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemanomwe kana kuti 72 967 pamwedzi.

Pamari yekuAmerica pamukoto madhora mazana matatu nemakumi matanhatu nematatu kana kuti US$363 asi pamusika uri pamutemo iri mazana matanhatu nemakumi manomwe nemaviri kana kuti US$672.

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata mutungamiri wesangano revarairidzi reZIMTA VaRichard Gundani avo vanoti vashandi vanofanira kupihwa muhoro nemari yekuAmerica sezvo zviri pachena kuti dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG