Mapurisa ave kunakurira nyoka mhenyu gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaFelix Mhona kuti ndivo vakapa kuti motokari dzevanhu dzitorwe kana vasina manumber plates zvinonzi hazvisi pamutemo.
Asi VaMhona avo vati vange vasiri muhofi kuti vapindure zvizere vaudza Studio 7 kuti chido chavo chete kuda kupedza huori pakutengeswa kwemanumber plates vakati zvizhinji titaure nevanoona nezvemutemo mubazi ravo avo tatumira mibvunzo yavange vasati vapindura pataenda pamhepo.
Magweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights ndiwo ainge aendesa mapurisa kumatare nenyaya yekutora motokari dzevanhu.
Asi vachipindura magweta aya, mukuru wemapurisa vaGodwn Makatanga vakati chirongwa ichi chiri kuitwa kuburikidza nebazi rezvekutakurwa kwezvinhu.
Mapurisa anoti anosunga vanhu vanodarika zviuru gumi pavhikivasina manumber plates aya kubva zvatanga chirongwa ichi musi wa 15 Ndira.
Asi vakawanda vari kusungwa ava vanoti vakabhadhara kare mari dzemanumber plates asi haasi kubuda pasina kubhadharwa mari yechioko muhomwe.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti vanofunga kuti mapurisa achamira zvokutora motokari dzevanhu sezvo zvisiri pamutemo.
Facebook Forum