Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti havana ruzivo nezviri kutaurwa nebato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C zvekuti riri kurambidzwa kuita misangano nemapurisa.
Bato reTripple C rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa. VaNyathi vati kungozvionawo pamadandemutande kuti mapurisa ari kurambidza veCCC kutsvaga rutsigiro vachiti hapana zvamhan’arwa kwavari.
Mashoko aya ari kuuya apo nhengo dzebato reTripple C kuGweru neBulawayo dziri kuti kwaberekera ingwe sezvo mapurisa ari kuvashungurudza kana vachida kuita misangano asi veZanu-PF vachiita havo madiro aJojina.
KuKwekwe CCC inoti yakanganiswa kutsvaga rutsigiro nevatsigiri veZanu-PF. Hatina kukwanisa kubata mutauriri webato iri VaChris Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo.
Mutauriri webato reCCC Muzvare Fadzayi Mahere vati vari kushamisika nemashako emapurisa aya vachiti zviri kuitika zvinoburitsa pachena kuti mitemo yesarudzo munyika inofanora kuvandudzwa kuti pave nehutongo hwejekerere.
Facebook Forum