Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa neChirwere cheCovid-19 Hurumende Ichikurudzira Kubayiwa kweNhomba


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weMuvhuro zvasiya vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi matatu nemasere kana kuti 5 338.

Vanhu mazana maviri nevatanhatu kana kuti 206 vakabatwa nechirwere ichi zvasiya vabatwa nacho vave zviuru mazana maviri nemakumi maviri nemapfumbamwe zvine mazamatanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 229 666.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 kekutanga vave mamiriyoni mana, nemazana maviri nemakumi manomwe nemazana mana nemakumi masere nevatatu kana kuti 4 270 483.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nemapfumbamwe ane mazana matanhatu nemakumi maviri nemasere kana kuti 3 299 628. Vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi mashanu nematanhatu zvine mazana mana nemakumi mashanu nevasere kana kuti 56 458.

Hurunmende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwedenda iri munyika Dr Agnes Mahomva vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti vanhu vabayiwe nhomba yeCovid-19 yavanoti yakazara mumatura.

Vatiwo vanhu vanofara kutevedzera zvose zvinokurudzirwa kuti chirwere chisapararire zvakaita sekugeza maoko uye kugara vakatarangana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG