Accessibility links

Breaking News

Huwandu Hwevari Kufa neKurwara neCovid-19 Hwoderera


Bazi rezvehutano rinoti nemusi weMugovera vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvchatanga kupararira gore rapera vave zviuru zvishanu nemazana maviri nemakumi mana nematatu kana kuti 5243.

Asi huwandu hwevanhu vari kufa hwati dzikirei sezvo vhiki rapera kwakafa vanhu makumi mapfumbamwe nevashanu kana kuti 95.

Asi mumazuva mamwe chete mavhiki maviri adarika kwainge kwafa vanhu zana nemakumi matatu nemumwe kana kuti 131. Vanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 297 vakabatwa nechirwere cheCovid-19 ichi neMugovera.

Huwandu hwevanhu nevari kubatwa nechirwere ichi munyika huri kuramba huchidzikirawo.

Mumazuva manomwe kusvika neMugovera vanhu zviuru zvina negumi nevatanhatu kana kuti 4, 016 vainge vakabatwa nechirwere ichi.

Mumazuva mamwe chete mavhiki maviri adarika, vanhu zviuru zvinomwe nemazana manomwe nevana kana kuti 7, 704 vainge vabatwawo nechirwere ichi mumazuva manomwe.

Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga vave mamiriyoni mana nezviuru mazana maviri nemaviri nemazana masere nemakumi mashanu nevasere kana kuti 4, 222, 858.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana maviri nemakumi maviri nevasere zvine mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti 3 228 693.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru makumi maviri nezvishan zvine mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevasere kana kuti 25 798.

Muhurukuro neStudio 7, mukuru anoona nezvekudzivirira chirwere cheCovid-19 munyika, Dr Agnes Mahomva vakurudzira vose vakatanga kubayiwa nhomba zvikuru vanoshanda muzvipatara uye vakwegura nevamwe vari munjodzi yekurwarisa vakabatwa nechirwere ichi kuti vabayiwe nhomba kechitatu.

Hurumende inoti ine hurongwa hqwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Hurukuro naDr Agnes Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG