Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Pakunyoresa Zita reBato neMifananidzo muSarudzo Iwatanga Watanga


Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission Amai Priscilla Chigumba vaudza Studio 7 kuti panyaya yemazita emapato nemicherechedzo yaanoshandisa, anenge atanga ndiye anopihwa mvumo yekuzvishandisa.

Vanoti zvekunetserana mazita pamapato ezvematongerwo enyika hazvisi zvinhu zvitsva sezvo zvakamboitika pakapatsanurana MDC pachibuda mamwe mapato akaita seMDC-T, MDC-N uye zvakamboitikawo panyaya yeZanu-Ndonga neZanu-PF.

Vati anenge adomwa kekutanga mudare resarudzo kana kuti nomination court ndiye anoshandisa zita nemifananidzo vakati kana paine bato rinenge riine chichemo rakasungunuka kuenda kudare rinotonga nyaya dzesarudzo reElectoral Court.

Asi mamwe magweta ataura neStudio 7 ati zviri kutaurwa naAmai Chigumba zvinonetsa kutevedzera sezvo zviri pachena kuti zvinokonzera makakatanwa munyika uye havaone paine rimwe bato rinokwanisa kunonyoresa zita rekuti Zanu-PF.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG