Mutungamiri webazi revechidiki mubato rinopikisa reMDC Youth Assembly VaObey Sithole vambobvunzurudzwa nemapurisa muHarare nhasi vachiyambirwa kuti vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika nematuriro avo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nevamwe vatungamiri vemapato madiki akakwikwidza musarudzo gore rapera.
Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa nezuro vakaenda kunobata maoko kumhuri yemumiriri weGlen View South Amai Vimbai Tsvangirai Java avo vakashaya mushure mekuita njodzi yemumugwagwa kuKwekwe.
Bepanhau reHerald rinoti Apostle Talent Chiwenga vaita njodzi yemumugwagwa iyo yauraya mudzimai wavo mumugwagwa weHarare-Masvingo pedyo neChartsworth.
Vagari vemuGlen View South vanoti kushayika kwakaita nhengo yanga ichimirira nzvimbo yavo muparamende, Amai Vimbai Tsvangirai Java, kwasiya gwanza richanetsa kuvhara.
Amai Vimbayi Tsvangirai Java, mwanasikana wamuchakabvu Morgan Tsvangirai avo vakashaya kuchipatara cheWest End Clinic muHarare nemusi weChitatu vave kutarisirwa kuvigwa nemusi weChina kuGlen Forest Memorial Park muHarare.
Mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vazivisa nhasi kuti munyori anoona nezvemabasa emusangano VaEngelbert Rugeje vabviswa pachigaro ichi chichipihwa VaVictor Matemadanda vange vachiona nezvevakarwa hondo yerusununguko.
Mumiriri weGlen View South mudare reparamende vari nhengo yeMDC Amai Vimbai Tsvangirai Java avo vakaita njodzi yemumugweagwa muna Chivabvu vashaya.
Musangano wezvekutengeserana magetsi pakati peZimbabwe neSouth Africa wotadza kubudirira.
Zimbabwe iri kuyedza kusimbaradza hukama hwayo nenyika dzakabudirira kusanganisa America nesangano reEuropean Union.
Hurumende yeZimbabwe yatanga neChitatu kuita nhaurirano nenyika dziri mumubatanidzwa weEuropean Union, EU, ichiyedza kumbiridza hukama hwayo nenyika idzi sezvo pange paita kurimirana kumuganhu kwemakore akawanda.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vari kutarisirwa kuparura zviri pamutemo gwaro remutemo wenhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende kana kuti Tripartite Negotiating Forum Act.
Zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi zvopa kuti vanoongorora nyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika vati hurumende yave kungopumha vanoipikisa huroyi ichishandisa mapepanhau akaita seHerald kurova bembera.
Varairidzi vachitungamirwa nesangano rinovamirira kumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe vatanga kuratidzira munyika yose nhasi.
Nyika dzakawanda dzakabudirira dziri kuratidza pachena kuti hadzisi kufara nekukundikana kwehurumende yeZimbabwe kuvandudza mitemo inonzi iri kutyora kodzero dzevanhu uye yezvekudyidzana munyaya dzekutengeserana.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti rambovhara mahofisi aro emuZimbabwe richipomera vakuru vacho nebhodhi racho mhosva yekuita zvehuori.
Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum riri kushora zvikuru kusungwa kuri kuitwa nhengo dzemasangano akazvimirira richiti dziri kuzorwa mafuta enguruve yadzisina kudya
Mamwe magaraji munyika anonzi awedzera mari yemutengo wemafuta nezvikamu zvinosvika makumi manomwe kubva muzana kunyangwe hurumende iri kuti haisi kuzozvitendera
Mapurisa nhasi asunga panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport muHarare Muzvare Stabile Dewa vanoshanda neHeal Zimbabwe Trust uye Muzvare Rita Nyampinga vanoshanda nesangano rinobatsira madzimai ari mumajeri reFemale Prisoners Support Trust.
Gurukota rezvemari, muzvinafundo Mthuli Ncube, vaudza nhengo dzeparamende nhasi kuti hapana chinoshamisa pakurambwa kwemaRTGS dollars nevemabhizimisi vachida mari yekuAmerica vachiti zvinoitika panoshandiswa mari dzakawanda.
Rodhai zvimwe