Accessibility links

Breaking News

VaObey Sithole Vanotungamira veChidiki muMDC Vopihwa Yambirwa neMapurisa


Mutungamiri webazi revechidiki mubato rinopikisa reMDC Youth Assembly VaObey Sithole vambobvunzurudzwa nemapurisa muHarare nhasi vachiyambirwa kuti vari kuda kukonzera kusagadzikana munyika nematuriro avo.

Asi VaSithole vari kuramba zvavari kupomerwa nemapurisa izvi. Vaudza Studio 7 kuti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya sezvo munhu akangoti vanhu vane nzara munyika anobva anzi ari kukonzera kusagadzikana munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaSithole vaenda kumapurisa eLaw and Order kuHarare Central Police Station nemagweta avo eZimbabwe Lawyers for Human Rights. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vange vasina kupirwa nyaya iyi uye vange vari mumusangano.

Vanorwira kodzero dzevanhu uye venyika dzekunze vakaita sehurumende yeAmerica nevari mugungano reEuropean Union vanoti vari kushushikana zvikuru nekusungwa sungwa kwevamasangano akazvimirira uye vanopikisa.

Asi vachibvunzwa neStudio 7 nezvekusungwa sungwa kwevanhu, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vati hurumende inosunga vanenge vaita zvisiri pamutemo sezvinongoitwawo kune dzimwe nyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG