Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Hurukuro neEuropean Union


VaEmmerson Mnangagwa in New York
VaEmmerson Mnangagwa in New York

Hurumende yeZimbabwe yatanga neChitatu kuita nhaurirano nenyika dziri mumubatanidzwa weEuropean Union, EU, ichiyedza kumbiridza hukama hwayo nenyika idzi sezvo pange paita kurimirana kumuganhu kwemakore akawanda.

EU yakabvisa hayo zvirango zvakawanda zvayainge yatemera vamwe vakuru venyika asi ikasiya vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nekambani yemauto yeZimbabwe Defence Industry.

Asi sangano iri harisi kupa hurumende yeZimbabwe mari yebudiriro richisarudza kushanda nemasangano akazvimirira panyaya dzebudiriro.

Vachitaura pamusangano uyu, mumiriri weEU muHarare, VaTimo Olkkonen, vati hurukuro idzi dzakanangana nekutaura nyaya dzehupfumi, kudyidzana, kodzero dzevanhu nezvimwe zvine chekuita nehutonggo hwejekerere.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanoda kutanga kudyidzana nenyika dzekunze dzainge dzatemera vakuru vehurumende yavo zvirango vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Vari kuvimbisawo kuvandudza zvinhu.

Asi masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti kusungwa kuri kuitwa vanorwira kodzero dzevanhu munongedzo mukuru wekuti hurumende haisati yachinja muriro wayo.

Sangano reZimbabwe Peace Project raburitsa gwaro richitiwo kusungwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu vanomwe vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMnangagwa munongedzo wekuti hapana chachinja kubva zvaenda VaMugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe igadzirise hukama hwayo nedzimwe nyika kuitira kuti pave nekudyidzana kwakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG