Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Mthuli Ncube Vanoti Hazvishamisi Kuti Vamwe veMabhizimisi Vari Kuramba MaRTGS Dollars


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Gurukota rezvemari, muzvinafundo Mthuli Ncube, vaudza nhengo dzeparamende nhasi kuti hapana chinoshamisa pakurambwa kwemaRTGS dollars nevemabhizimisi vachida mari yekuAmerica vachiti zvinoitika panoshandiswa mari dzakawanda.

Vachitaura kunhengo dzekomiti inoona nezvebhajeti nemari mamiriro akaita hupfumi hwenyika, VaNcube vati vemabhizimisi vanoita izvi sezvo vari kuda kuchengetedza huremu hwemari dzavo apo mari yemuno iri kuramba ichishaya simba.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaNyasha Muchichwa, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana naVaNcube kuti kurambwa kweRTGS dollar hakushamisiri vachiti kana hurumende pachayo iri kurambawo maRTGS zvikuru sei pamutero wemota.

VaNcube Ncube vatiwo mitengo iri kukwira zvakanyanya nekuti vemabhizimisi vari kutara mitengo vachitevedza mutengo wemari wepamukoto.

Vati zviri kuita nevemabhizimisi zvekukwidza mitengo vachitevedza mutengo wemari yepamukoto hazvina kunaka.

Asi vati hapana matanho avangatore vachiti kuvasunga, kana kutara mitengo zvinogona kutovhiringa hupfumi zvakanyanya.

VaNcube vati hurumende inokurudzira vemabhimisi kuti vatenge mari yekunze kumabhanga vachiti izvi chete ndizvo zvichaita kuti mitengo idzikire.

Vati kunze kwemamiriyoni mazana mashanu emadhora ekuAmerica avakawana kunze kwenyika kuti aiiswe pamusika weInterbank Forex Rate, vari kutaurawo nemamwe mabhanga ekuSouth Africa avasina kudoma, kuti vawane imwe mari yekuisa mumusika uyu.

VaNcube vatiwo hurumende haisi kuzotambirisa vashandi nemadhora ekuAmerica vachiti chavari kuita kuwedzera mari inotambirwa nevashandi vachitarisira kuti mitengo yezvinhu ichatanga kudzikira apo mabhizimisi akawanda anenge ava kuwana mari yekunze kubva kumabhanga.

VaMuchichwa vati veruzhinji vari kutambura uye zvakakosha kuti hurumende igadzirise nyaya dzekuti vanhu vagare zvakanaka nekukasika.

VaNcube VaNcube vatiwo hurumende inoona kutambura kweveruzjinji uye ndosaka iri kutora matanho akawanda kurerutsa hupenyu hweveruzhinji.

Vati zvirongwa zvavari kuita zvekurerutsa hupenyu hwevanhu, zvakafanana nekuderedza mutengo wemabhazi eZUPCO, kubhadhara mari yechikoro pasi peBEAM iyo yave nemakore isingabhadharwi, kugovera chikafu vanotambura neharawa chikafu mumadhorobha nemaruwa.

Pavaudzwa kuti veruzhinji munyika havana ruzivo hwezviri kuitwa nebazi ravo, VaNcube vati bazi ravo riri kuronga kupinza basa nyanzvi dzezvekuburitswa kwemashoko kuti dzigoshambadza zvirongwa zvaro dzichishandisa mitaura yemuno munyika yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG