Accessibility links

Breaking News

VaRugeje Vomiswa Basa naVaMnangagwa muZanu-PF


VaEmmerson Mnangagwa

Mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vazivisa nhasi kuti munyori anoona nezvemabasa emusangano VaEngelbert Rugeje vabviswa pachigaro ichi chichipihwa VaVictor Matemadanda vange vachiona nezvevakarwa hondo yerusununguko.

Chigaro chaVaMatemadanda chatorwa naVaDouglas Mahiya. Vachitaura nestudio 7 VaKhaya Moyo vati VaRugeje vachazopihwa chimwe chigaro muna Gunyana. Asi VaRugeje vanonzi vacharamba vari nhengo yePoltiburo.

Pane vamwe mubato iri vari kuti pange paita kusawirirana nezvebasa raVaRugeje pakati pevanotsigira vechiuto uye vakarwa hondo yerusununguko vagara vachiti vanoda kupihwa chigaro ichi.

Asi VaMoyo vati mutungamiri webato VaEmmerson Mnangagwa ndivo vanodoma vanhu ava uye vanokwanisa kungovandudza zvinhu chero nguva. VaMahiya vati vafara kupihwa basa iri uye vachayedza napose pavanogona kushandira vakarwa hondo yerusununguko.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi Vanoongorora nyaya dzezvematongero enyika vaFarai Maguwu, vanotungamira sangano reCentre for Research and Development vanoti kusimudzirwa kwaVaMatemadanda kunogona kukonzera kusagadzikana munyika sezvo vachiti vanongotaura mashoko ekukusha.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMatemadanda kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadaro, vaive gurukota rezvemari VaPatrick Chinamasa vasarudzwawo kuti vaite sachigaro weAir Zimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG