Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Osungazve Vamwe veMasangano Akazvimirira


Muzvare Stabile Dewa
Muzvare Stabile Dewa

Mapurisa nhasi asunga panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport muHarare Muzvare Stabile Dewa vanoshanda neHeal Zimbabwe Trust uye Muzvare Rita Nyampinga vanoshanda nesangano rinobatsira madzimai ari mumajeri reFemale Prisoners Support Trust.

Izvi zvave kureva kuti pasungwa vanorwira kodzero dzevanhu vanomwe kubva svondo rapera sezvo vamwe vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuronga kupidigura hurumende.

Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi. Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vapinda muHarare nhasi uye havana kunge vasumwa nezvekusungwa kwemadzimai maviri aya.

Mutauriri wesangano remagweta ari kuvamiririra reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vanoti vasungwa vaendeswa kumapurisa kuHarare Central.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG