Accessibility links

Breaking News

Amai Mnangagwa Voenda Kunochema Amai Vimbayi Tsvangirai Java Avo Vari Kuradzikwa Nhasi


VaMnangagwa naAmai Auxillia Mnangagwa
VaMnangagwa naAmai Auxillia Mnangagwa

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa nezuro vakaenda kunobata maoko kumhuri yemumiriri weGlen View South Amai Vimbai Tsvangirai Java avo vakashaya mushure mekuita njodzi yemumugwagwa kuKwekwe.

Vanhu vakaungana kumba kwaAmai Tsvangirai Java kuStrathaven muHarare.

Vachitaura parufu urwu, Amai Mnangagwa vakati vainge varipo sehama yemufi sezvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaine hukama nemhuri yekwaTsvangirai.

“VaMnangagwa sekuziva kwenyu vaive muzukuru waVaTsvangirai uye neniwo ndiri hama yepano ” vakadaro Amai Mnangagwa.

Vakaenderera mberi vachiti, “Saka ndiri pano ndakamirira mutungamiri wenyika uye mhuri yose. Sekuziva kwenyu rufu harutarise kuti wabva kubato ripi, kuZanu-PF kana kuti kuMDC, kudenga kunenge kwanyorwa zita rako kana uchinge washaya. Unodzimwa zita rako pagwaro repasi ssezvaitwa asi zita rako ronyorwa kudenga sezvaita Vimbai.”

Amai Mnangagwa vakati vari kushushikana zvikuru nerufu rwaAmai Vimbai Tsvangirai Java sezvo vange vari mudzimai wechidiki ane makore makumi matatu nematanhatu chete.

Amai Tsvangirai Java vari kuradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest nenguva dza2 masikati.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG