Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa neKusunga veMasangano Akazvimirira Oga


Sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum riri kushora zvikuru kusungwa kuri kuitwa nhengo dzemasangano akazvimirira richiti dziri kuzorwa mafuta enguruve yadzisina kudya.

Izvi zvinotevera kusungwa kwenhengo dzemasangano akazvimirira nomwe dzichipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende dzichinzi dzakaenda kumusangano wakaitwa kuMaldives waitaura nezvekuratidzira kusina mhirizhonga.

Zimbabwe Human Rights NGO Forum inoti mapepanhau akaita seHerald, Chronicle neThe Patriot ari kushandiswa kuburitsa nyaya dzemanyepo dzekuroverera mhosva vari mumasangano akazvimirira mapurisa achibva asunga vanenge vadomwa ava.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapepanhau adomwa aya.

Asi mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaDzikamai Bere, vanoti hurumende iri kushandisa mapepa aya kurova bembera vanhu vobva vasungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Maitiro aya ashorwawo zvikuru nehurumende yeAmerica.

Muzinda weAmerica waburitsawo mashoko padandemutande reTwitter uchiti hurumende inofanira kutevedzera bumbiro remutemo nekuremekedza kodzero dzevanhu.

America yatiwo vanhu vane kodzero yekuratidzira murunyararo uye yakurudzirawo hurumende kuti ione kuti yabatanidza vanhu kuti nyika ibudirire.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, rashorawo zvikuru hurumende yeZimbabwe nekungosunga vanorwira kodzero dzevanhu ikakurudzira kuti vanhu ava vasungunurwe.

Zvichakadaro, mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti havangataure nezvekusungwa kwevanhu vanomwe ava nekuti nyaya dzavo dziri kumatare.

Asi vati mapurisa ave kugara akadzipakatira sezvo pave kutyirwa kuti panogona kuita kuratidzira kune mutsindo neChina.

Vati izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera paandemutande reFacebook ekuti pane vari kuda kuratidzira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG