Accessibility links

Breaking News

Peturu neDhiziri Zwowedzerwa Mitengo Zvakanyanya


fuel shortages
fuel shortages

Mamwe magaraji munyika anonzi awedzera mari yemutengo wemafuta edzimotokari nezvikamu zvinosvika makumi manomwe kubva muzana kunyange hazvo hurumende iri kuti haisi kuzozvitendera.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, kana kuti ZERA, iri kutiwo mutengo hauna kukwira sezviri kutaurwa pamadandemutende kunyange hazvo ongororo yaitwa neStudio7 iri kuburitsa pachena kuti vamwe vemagaraji vatowedzera mutengo.

Vachitaura nevatori venhau papera musangano wedare remakurukota neChipiri, gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vati dare iri ratenderana kuti vemagaraji havafanire kuwedzera mutengo kusvika pamadhora manomwe emaRTGS sezvave kuitika.

VaChasi vati vasangana nevemabhizimisi vakavayambira kuti vasawedzere mitengo kana kuda kuti vanhu vatenge nemadhora ekuAmerica chete nekuti hazvisi pamutemo.

Studio7 yambobata vakuru vegaraji reZuva kuMarimba ikaudzwa kuti vange vasina kukwanisa kuwana mafuta kubva mukupera kwesvondo rapera.

Pane mashoko ekuti vamwe vanotengesa mafuta vari kuramba kuatengesa kusvika mutengo wacho wawedzerwa.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti mafuta awedzerwa kubva pamari inodarika mashora mana kusvika kumadhora masere nemasendi makumi masere kana kudarika.

VaChitambara vati izvi zviri kukonzerwa nenyaya yekushaya simba kwemari yemaRTGS zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica pamusika mutema wariri kutengwa nevakawanda.

Mutengo wemafuta wakatanga kuita chamurambamhuru kubva gavhuna webhanga guru, Doctor John Mangudya, zvavakati bhanga guru renyika haraizowanisa vanotengesa mafuta ekufambisa dzimotokari mari nemutengo wakaderera.

Asi mukuru weAfrica Roundtable, VaOswell Binha, vanoti hapana chakaipa kuti vanhu vatenge mafuta avo vega.

Asi VaBinha vatenda kuti vemabhizimisi vari kuomerwawo nezvinhu nekuda kwekusagadzikana kwemari yeRTGS.

Asi mutungamiri weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti zvinhu zvaomera mushandi wose munyika.

Kunyange hazvo gurukota rezvehupfumi, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vari kuti hurongwa hwekugadzirisa hupfumi huri mugwara, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG