Accessibility links

Breaking News

Amai Vimbai Tsvangirai Java Voradzikwa muHarare neMusi weChina


Amai Vimbai Tsvangirai Java

Amai Vimbayi Tsvangirai Java, mwanasikana wamuchakabvu Morgan Tsvangirai avo vakashaya kuchipatara cheWest End Clinic muHarare nemusi weChitatu vave kutarisirwa kuvigwa nemusi weChina kuGlen Forest Memorial Park muHarare.

Vachitaura kuStrathaven muHarare uko kuri kuchemerwa mudzimai wavo, VaBatsirai Java, murume waAmai Tsvangirai Java vaudza vanhu vange vakaungana vachivachema kuti vacharadzikwa muHarare.

VaJava vatiwo mutumbi wemudzimai wavo uchaendeswa kunzvimbo yavaimirira mudare reparamende yeGlenView South mangwana kuti unoonekana nevanhu.

Mashoko aya atsinhirwa nemutauriri wemhuri yaVaTsvangirai, VaManase Tsvangirai vanova babamunini wemufi kuti vari kutevera zviri kuitwa nevakuvasha vavo.

Vachitaurawo parufu apa, mutungamiri webato reMDC VaNelson Chamisa vati vari kurwadzikana nerufu urwu.

VaChamisa vati panofanira kunge paine kubatana munyika mukuchema Amai Tsvangirai Java nekuti ndicho chainge chiri chido chavo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatumirawo mutevedzeri wegurukota rezvevarwiri vehondo yerusungunuko VaVictor Matemadanda kuti vava miririre parufu apa.

VaMatemadanda vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti VaMnangagwa vavimbisawo kuita zvose zvavangaite kubatsira mhuri yemufi. VaMnangagwa vakatumirawo mashoko enyaradzo padandemutande ravo reTwitter nezuro.

Amai Tsvangirai Java avo vange vave nemakore makumi matatu nematanhatu ekuberekwa vakakuvara zvakaipisisa mutsaona yakaitika musi wa14 Chivabvu, vamwe vanhu vaviri vainge vari mumotokari iyi VaPaul Rukanda naVaTafadzwa Mhundwa vakabva vashaya musi uyu.

Vanhu vakaungana paNumber 2 Lyndhurst Close, Strathaven muHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG