Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nevamwe vatungamiri vemapato madiki akakwikwidza musarudzo gore rapera.
Musangano uyi uri kuitwa pasi pechirongwa chinonzi Political Actors Dialogue kana kuti POLAD.
Asi musangano uyu hausi kupindwa nebato guru rinopikisa reMDC rinotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangwa vadzokorora chido chavo chekuti nyika ive nemari yayo.
Vati kana nyika yave kudzora dhora rayo, vanoda kudzika mutemo wekuti vanhu vasabvumidzwe kushandisa mari yekunze zvachose kana vachitenga nekutengesa zvinhu muZimbabwe.
Panyaya yezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika, VaMnangawa vati zvinofanira kubviswa sezvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.
Vavimbisawo kuti vanoda kurwisa huori munyika vachiti huri kukanganisa kugadzirisa hupfumi.
Vati vachadzika mutemo wekuti vanhu vatsanangure kunenge kwabva hupfumi hwavo. Vavimbisawo kuti vachazadzikisa zvimwe zviri kutaurwa kuPOLAD.
Mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaObert Gutu vapinda mumusangano uyu vanoti vange vasingaite zvekuruma vachifuridzira sezvo vange vachitaura zviri kunetsa vanhu zvikuru munyaya dzezvehupfumi.
Asi mutauriri webato reMDC rinotungamirwa naVaChamisa, VaJacob Mafume vati musangano uyu kutungana kwembudzi.
Facebook Forum