Accessibility links

Breaking News

Glen View South Yoonekana naAmai Vimbai Tsvangirai Java


Amai Vimbai Tsvangirai Java

Vagari vemuGlen View South vanoti kushayika kwakaita nhengo yanga ichimirira nzvimbo yavo muparamende, Amai Vimbai Tsvangirai Java, kwasiya gwanza richanetsa kuvhara panguva iyo mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vati vachapedzisa rwendo rweshanduko rwanga rwuchifambwa nemufi.

Mutumbi waAmai Vimbai Tsvangirai Java avo vaiva mwana wevaimbova mutungamiri weMDC Muchakabvu Morgan Tsvangirai, waendeswa kuGlen View South kuti unoonekana nevanhu vavaimirira muparamende.

Vamwe vagari venzvimbo iyi vakaita saMuzvare Tanyaradzwa Matibenga vati vabayiwa panyama nhete nekufa kwakaita Amai Java avo vaivamirira muparamende sezvo vachiti vaiita mabasa akawanda ebudiriro yenzvimbo yavo.

Izvi zvatsinhirwa nakanzura wenzvimbo iyi, Amai Gaudencia Marera.

Vachitaura pamberi pechita chevanhu vanga vauya kuzoonekana naAmai Java, mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vati Amai Java vangadai vasina kufa dai zvipatara zvemunyika zvine mishonga yakakwana.

VaChamisa vaenderera mberi vachiti vachapedzisa rwendo rweshanduko kuzadzisa zvairwirwa naAmai Java pamwe namushakabvu Morgan Tsvangirai. Vati chanetsa munyika ndechekuti pane nzou yapinda mumba vachireva VaMnangagwa vavari kupomera mhosva yekutadza kufambisa basa zvakakanaka uye kubirira musarudzo.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, murume waAmai Tsvangirai Java, Apostle Batsirai Java, vatiwo kufa murau waMwari uye varikupemberera hupenyu hwemudzimai wavo.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri weMDC Amai Lynette Karenyi Kore vataurawo pagungano iri vachiti mufi aiva munhu aishanda nesimba.

Mhuri yekwaTsvangirai uye yemudzimai wavo muSusan Tsvangirai dzange dziriwo parufu urwu. Vamwe vauyawo vafundisi vakawanda kubva kudzisvondo dzakasiyana siyana.

Wabva kuGlen View mutumbi wemushakabvu waendeswa pamuzinda webato reMDC paMorgan Tsvangirai apo panga pazere vatsigiri veMDC nevanhuwo zvavo apo vatauri vatsanangura mushakabvu semunhu aibatanidza vanhu uye aida kuti ruzhinji rweZimbabwe rwugare zvakanaka.

Amai Java vakafa neMuvhuro mushure metsaona yakaitika mwedzi wapera iyo yakauraya sekuru vavo VaTafadzwa Mhundwa pamwe nakanzura wemuGlen View VaPaul Rukanda.

VaChamisa vakurudzira vanhu kuti vauye nehuwandu hwavo mangwana kuti varadzike Amai Tsvangirai Java zvine mutsindo.

Mutumbi wavo nhasi uri kurara kumba kwavo kuStrathaven uye uchasimuka mangwanani nenguva dza 9 uchienda kuCity Sports Centre uko kuchaitwa munamato uchitungamirwa naBishop Tudor Bismark kubva nenguva dza10 kusvika na12 masikati. Vari kutarisirwa kuradzikwa nenguva dza 2 masikati kuGlen Forest.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG