Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorerwa Chinono paKuvandudza Mitemo Yakaita sePOSA neAIPPA


Mumiri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nichols nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mumiri weAmerica muZimbabwe VaBrian Nichols nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Nyika dzakawanda dzakabudirira dziri kuratidza pachena kuti hadzisi kufara nekukundikana kwehurumende yeZimbabwe kuvandudza mitemo inonzi iri kutyora kodzero dzevanhu uye yezvekudyidzana munyaya dzekutengeserana.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, vanyora padandemutande ravo reTwitter nhasi kuti pavanhu mamiriyoni gumi nematanhatu vari muZimbabwe, vanhu zana nemakumi mana chete ndivo vakatongerwa zvirango uye America ichabvisa zvirango zvakatemerwa vatungamiri venyika chete kuburikidza nemutemo weZIDERA ndokunge vaunza hutongo hwejekerere.

Kushorwa uku kwapa kuti hurumende iite chipatapata kutumira makurukota ayo kuti aite misangano nevamiriri vedzimwe nyika vachitaura nezvemitemo yavanoti vari kuvandudza kusanganisa yakaita sePOSA neAIPPA.

Nezuro gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vakasangana nevamiriri veBritain neCanada kumahofisi avo eMunhumutapa.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vaudzawo Studio7 kuti vari kusangana nevamwe vamiriri vedzimwe nyika ava vachivaudza nezvavari kuita panyaya yekuvandudza mitemo.

Vanoti vakatosangana nevamiriri kubva kunyika gumi dzakabudirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vari kuitawo zvimwe chetezvo.

Asi vanopikisa nemasangano anoongorora zvemitemo akaita seVeritas vanoti hurumende iri kungobata vekunze kumeso nekuti hakuna zvakawanda zvairi kuvandudza.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, VaTendai Biti, vanoti hurumende haina zvairi kuita kuvandudza zvinhu uye vachapikisa mabhiri ose achaunzwa kudare reparamende nekuti anopa hurumende mukana wekuramba ichimbunyikdza vanhu.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG