Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoita Hurukuro naVaMnagagwa Apo Mitengo Yoita Chamurambamhuru


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi zvopa kuti vanoongorora nyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika vati hurumende yave kungopumha vanoipikisa huroyi ichishandisa mapepanhau akaita seHerald kurova bembera.

Asi mutugamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti mushandi ave kudya nhoko dzezvironda.

VaMutasa vanoti sesangano revashandi vachasangana neChitatu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivaudzawo nhuna dzevashandi.

Vanoti gurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, ndivo vakaronga musangano uyu mushure mekunge ZCTU yakumbira musangano wakadai.

Studio7 haina kukwanisa kubata Doctor Nzenza kana mutauriri waVaMnagagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.

Bepanhau reHerald riri kuti vemabhizimisi ndevamwe vanofanira kuongororwa kana vakwidza mitengo sezvo vari kuda kuti vanhu vapandukire hurumende vachitsigina neAmerica nebato rinopikisa reMDC. Izvi zvinotevera kukwira kwemitengo yezvinhu muzvitoro.

Zvinhu zvawedzerwa mitengo zvinosanganisira hupfu, chingwa, mupunga, Mazowe nezvimwe.

Marita maviri eMazowe awedzerwa kusvika pamadhora emaRTGS makumi maviri nerimwe kana kuti 21 RTGS dollars kubva pamadhora gumi nematatu nemasendi makumi mashanu, 13,50 emaRTGS.

Mutauriri weGrain Millers Association, VaGarikai Chaunza, vanoti vakwidza mitengo sezvo zvavanoshandisa kusanganisa mafuta ekufambisa dzimotokari zvawedzerwa mutengo.

Asi VaChaunza vanoitiwo seGMAZ vanenge votumira vanhu kunoongorora kuti hapana vari kudhurisa zvinhu here.

Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti hurumende yeZanu-PF yakundikana kugadzirisa zvinhu.

Asi muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti mitengo ichagadzikana asi zvinogona kutora makore maviri sezvakavimbiswa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Zvimwe zvitoro zvinoti zvave kutengesa nemadhora ekuAmerica chete zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey kanyenze vanotungamira sangano reLabour and Economic Reform Institute of Zimbabwe hazvishamise.

Ko chii chingaitwe kuti zvinhu zvigadziriswe?

Doctor Kanyenze vanoti munyika munoda kugadziriswa nyaya dzezvematongerwo enyika nekutaurirana.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yehouri nekutadza kutungamira ndiyo yakanganisa hupfumi hwenyika.

Asi hurumende inoti iri kukanganiswa nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG