Accessibility links

Breaking News

Apostle Talent Chiwenga Vokuvara muNjodzi yeMumugwagwa Yauraya Vanhu Vatatu


Bepanhau reHerald rinoti Apostle Talent Chiwenga vaita njodzi yemumugwagwa iyo yauraya mudzimai wavo mumugwagwa weHarare-Masvingo pedyo neChartsworth.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti pane njodzi yaitika pakafa madzimai maviri nemurume mumwe chete uye mumwe akuvara akaendeswa kuchipatara, “Ichokwadi pane vanhu vatatu vashaya mumwe akakuvara asi handingataure mazita avo pari zvino nekuti hama dzavo hadzisati dzaziviswa.”

Assistant Commissioner Nyathi vati vanogona kuburitsa ,mazita aya mangwana.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG