Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Votarisirwa Kuparura Gwaro reMutemo weTNF Act


Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa
Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vari kutarisirwa kuparura zviri pamutemo gwaro remutemo wenhaurirano pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende kana kuti Tripartite Negotiating Forum Act.

Hurongwa uhu huri kuitirwa muHarare uye vachaitawo hurukuro nevatungamiri vemasangano evashandi kumucheto kwemusangano wekuparura mutemo wenhaurirano uyu.

Mutungamiri wesangano revashandi reZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti vakanga vakanyorera tsamba mutungamiri wenyika vachikumbira kuti vasangane naye vazeye nyaya yekuti paitwe nhaurirano idzi nechimbichimbi sezvo vanhu vave kunonga svosve nemuromo nekuda kwekuoma kwehupenyu.

Hurukuro naVaPeter Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG