Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inombovhara Hofisi muHarare neNyaya yeHouri


Amnesty International

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International rinoti rambovhara mahofisi aro emuZimbabwe richipomera vakuru vacho nebhodhi racho mhosva yekuita zvehuori.

Mukuru wesangano iri muZimbabwe, VaCousin Zilala, ndivo vakatanga kumanikidzwa kusiya basa gore rapera apo sangano iri rakatanga kuita ongororo yaro pamusoro pehuori hunonzi hwaiitika musangano iri.

Amnesty International inotiwo mapurisa emuZimbabwe akatosumwa nezvehuori uhu kuitira kuti nyaya iyi iferefetwe.

Sangano iri rati richaonawo kuti mari dzose dzakabiwa dzadzorwa.

Mukuru weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaRobert Shivambu, vati havana zvikuru zvavangataure nezvenyaya iyi sezvo yave mumaoko emapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaZilala vati Amnesty International iri kuvapomera mhosva yekunyepa uye naivo vachakwirawo kumatare kuti vachenese zita ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG