Musangano wecongress weMDC uri kuenderera mberi kuAscot Stadium kuGweru nhasi vakawanda vakatarisira zvichabuda musarudzo dzehutungamiri zvikuru pavatevedzeri vemutungamiri webato VaNelson Chamisa uye achaita munyori mukuru webato, mubati wehomwe uye sachigaro webato.
Mutumbi wegamba renyika VaDumiso Dabengwa wange uchitarisirwa kusvika munyika nhasi watadza kusvika sezvo zvanzi bhokisi ravo ratadza kukwana muzvimbo yekutakurira zvinhu kana kuti cargo mundege diki yange ichitarisirwa kuvatakura kubva kuSouth Africa.
Nhengo yeMDC mudunhu reNorth America, Doctor Gadziro Gwekerere, vanoti bato ravo rakatora danho rekuve kuZimExpo kuitira kuti vasangane nezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva mumatunhu akasiyana siyana.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vanoda kuti bato ravo rizvishandure vatsigiri varo vave netsika itsva yekukwanisa kugarisana nevamwe zvakanaka kunyange avo vane pfungwa dzakasiyana nedzavo vachiti izvi ndizvo zvinoita kuti nyika ikwanisse kuenda mberi.
Mutumbi wemutungamiri webato rinopikisa reZapu, VaDumiso Dabengwa, uri kutarisirwa munyika neSvondo kubva kuNairobi, Kenya uko vakashaikira vachibva kuIndia kwavairapwa chirwere chechiropa.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vati nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwemutungamiri webato reZAPU VaDumiso Dabengwa avo vakashaya kuNairobi, Kenya vachibva kunorapwa kuIndia.
Mutungamiri webato rinopikisa reZAPU VaDumiso Dabengwa avo vange vave nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe vashaya kuNairobi, Kenya vachibva kunorapwa kunyika yeIndia.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaCain Mathema, uye mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vaendeswa kudare ramejastiriti muHarare vachinzi varipe nhengo nhatu dzedare reparamende dzinoti dzakashungurudzwa mudare iri nemapurisa nemauto.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavakadzoka kubva muhupoteri musi wa22 Mbudzi 2017 mushure mekupidigurwa kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavimbisa nyika kuti vaizogadzirisa hupfumi hwainge hwaenda kumawere.
Zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi zvaramba zvakaita manyama amire nerongo zvapa kuti paite kukandirana makobvu nematete pakati pebato riri kutonga reZanu-PF nerinopikisa reMDC kuti chii ndiyani apinza mhepo mumusha.
Mukuru weCommercial Farmers Union VaBen Gilpin vanoti vari kutarisira kuti kutanga vhiki rinouya, varimi vachena mazana masere nemakumi matanhatu vanenge votanga kupihwa mari dzekubatsirikana semuripo pamapurazi avakatorerwa nehurumende.
Bato rinotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe reMDC-T radoma Muzvinafundo Lovemore Madhuku kuti vave gweta raro panyaya yavari kunetsana neMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yehutungamiri hwebato reMDC.
Bato rinopikisa reMDC rinoti riri kuenderera mberi nezvirongwa zvaro kunyangwe dare repamusoro rakapa mutongo wekuti mutungamiri waro VaNelson Chamisa vainge vasarudzwa zvisizvo pavakatanga kuitwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri pamwe naVaElias Mudzuri
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rinotambira nemufaro danho rebazi reUnited Nation’s rinoona nezvekodzero dzevanhu reHigh Commission for Health Rights kutumira nhumwa kuZimbabwe kuzoongorora nezvenyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto muHarare muna Ndira.
Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rekuyemura nekutenda mabasa anoitwa nevanamai kana kuti Mother’s Day
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vaudza bazi rezvezviwanikwa uye bazi rezvemamiriro ekunze reEnvironmental Management Agency kuti vaone kuti kucherwa kwematombo kuDomboshava kotanga here kana kuti kwete.
Nyanzvi munyaya dezvemutemo nedzematongerwo enyika hadzina kunyatsowirirana panyaya yemutongo wakaturwa nedare repamusoro nezuro wekuti kudomwa kwakaitwa namuchakabvu Morgan Tsvangirai kwaVaNelson Chamisa naVaElias Mudzuri sevatevedzeri vavo kwainge kusiri pamutemo.
Gurukota rinoona nezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima vanoti zvikoro zvose kuChipinge neChimanamani zvakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti cyclone Idai zvavhurwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuKasane, Botswana nhasi kumusangano wakanangana nekuchengetedzwa kwenzou weKasane Elephant Summit uchapindwa nevatungamiri venyika dziri mugungano rinonzi Kavango-Zambezi (KAZA).
Vanhu vane nechirwere cheshuga vanoti hupenyu hwavo hwave munjodzi sezvo mishonga yavanoda iri kuramba ichiwedzerwa mari zvekuti vave kupota vachimboregedza kuinwa.
Rodhai zvimwe