Accessibility links

Breaking News

United Nations Yotumira Nhumwa Kuzoongorora Nyaya yeKupfurwa kweVanhu neMauto Muna Ndira


Mauto eZimbabwe
Mauto eZimbabwe

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti rinotambira nemufaro danho rebazi reUnited Nation’s rinoona nezvekodzero dzevanhu reHigh Commission for Health Rights kutumira nhumwa kuZimbabwe kuzoongorora nezvenyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto muHarare muna Ndira.

Vanhu ava vairatidzira vachiti havaifara nenyaya yekukwidzwa kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari. Vamwe vanhu vanonzi vakaurayiwa, mamwe madzimai achipomera mauto mhosva yekuvabata chibharo uye vakawanda vakasungwa. Hurumende iri kuramba kuti izvi zvakaitika ichiti mauto aizorwa mafuta enguruve yaasina kudya.

Vachitaura nebepanhau reSunday Mail munyori mukuru mubazi rezvemutemo amai Virginia Mabhiza vakati gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vainge vatenderana nemukuru weUNHRC Amai Michelle Bachelet nezvekutumirwa kwenhumwa kuZimbabwe.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights VaKumbirai Mafunda vati vanotambira rwendo urwu nemaoko maviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG