Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzinoti VaMnangagwa Voremerwa neNyaya yeHupfumi


VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa
VaEmmerson Mnangagwa naVaCyril Ramaphosa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pavakadzoka kubva muhupoteri musi wa22 Mbudzi 2017 mushure mekupidigurwa kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakavimbisa nyika kuti vaizogadzirisa hupfumi hwainge hwaenda kumawere.

Asi nemamiriro akaita zvinhu munyika dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kusvika parizvino zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

Vachitaura kumuzinda wavo weZanu-PF vadzoka kubva muhupoteri, VaMnangagwa vakaudza zviuru zvevanhu zvainge zvauya kuzovatambira kuti vainge vachida kuti vanhu vawane mabasa mushure mekugadzirisa hupfumi hunonzi hwainge hwahondongwa naVaMugabe.

Mashoko aya vakaadzokorora pavaitsvaga rutsigiro vachiti chavaida inguva chete yekuti vavandudze hupfumi hwenyika. VaMnangagwa vakabva vadomawo Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vave gurukota rezvemari.

Vachitaura muna Gumiguru gore rapera, VaNcube vakati vanoda kuti vanhu vatange kutaura nezvekugona kana kukundikana kwavo kwapera mwedzi mitanhatu.

Mwedzi iyi yapfuura vamwe vachiti hurongwa hwavo hweTransitional Stabilisation Programme hunenge husiri kubudirira kunyangwe hazvo ivo vari kuti vakwanisa kudzikisa bhajeti yehurumende. Munyori mukuru weZCTU VaJaphet Moyo vanoti muromo hauzarirwe nerwizi nekuti mushandi akaomerwa nezvinhu munyika.

VaMnangagwa vakavimbisawo kuti vaizokwezva vekunze kusanganisa vekuBritain neAmerica avo vainge vavatemera zvirango pamwe nevamwe vakuru veZanu-PF vachivapomera mhosva yekutonga nedemo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoti Zimbabwe yakundikana zvachose kuti vekunze vauye kuzouchika mari dzavo.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinotiwo hupfumi hwenyika hwave kutoda kuenzana nezvakaitika muna 2008 apo vanhu vakanonga svosve nemuromo zvisina mukare akamboona.

Kubva zvavakasarudzwa, VaMnangagwa vatenderera nyika dzakawanda dzinosanganisa China, Russia, Belarus, Switerland nedzimwe uko mapepanhau ehurumende anobva aburitsa misoro yenhau yekuti vanenge vadzimba zvikuru nekuwana anonzi maMega Deals. Asi vamwe vanoti izvi ndizvo zvaingoitwa naVaMugabe pasina chinobuda.

Vakambotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries vari muzvinabhizimisi VaCallisto Jokonya vanoti nyaya yapa kuti Zimbabwe itadze kubudirira inyaya yezvirango zvayakatemerwa uye nyaya yenzara yokonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries VaSifelani Jabangwe vanoti kushaikwa kwemari yekunze kuri kupa kuti vemabhizimisi vagadzire zvinhu zvishoma.

Dambudziko iri rabva ranyaya kukomba sezvo magetsi atangawo kunetsa hurumende ichiti mvura yave shoma kuKariba. Zvinonziwo hapana mari yekunze yekutenga magetsi kuMozambique neSouth Africa uye Zimbabwe yagara ichitatarika kubhadhara zvikwereti kunyika idzi.

Gurukota rezvemigodhi VaJoram Gumbo vanoti havo vemaindustry havasi kuzodzimrwa magetsi sezvo vekumigoghi vari kuti zvichavaomesera.

Asi VaMoyo vanoti kudzimwa kwemagetsi mudzimba idambudziko zvekare pachitariswa mamiriro ehupfumi hwenyika.

Vamwe vanoti nyaya yehuori ndiyo yapa kuti hupfumi hurambe hwakagwadama. Nyaya yekutiwo vamwe varimi vakapihwa minda vakagarira mapadza iri kupawo kuti zvinhu zvirambwe zvakaita mhidigari.

Bato reZanu-PF rakatumirawo svondo rapera nhumwa kuChina dzichitungamirwa negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri kuti vaone kuti Zimbabwe yaitawo zvakaitwa neChina kuti ive nyika iri pachidanho kubva kuAmerica pasi rose munyaya dzekuvandudza hupfumi.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute Dr Prosper Chitambara vanoti hakuna chinodzidzwa kubva kuChina kana hutungamiri husina kuzvipira kurwisa huori.

Vaimbova gurukota rezvehupfumi vari nhengo yeMDC VaTendai Biti vanoti Zimbabwe inofanira kusunga dzisimbe kana ichida kugadzirisa hupfumi hwenyika uye inofanira kuzvipira kuti isa rambe ichiidzokorora zvinhu zvisiri kushanda munyaya dzekushandisa mari nezvimwe.

.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG