Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Nhatu Dzoendesa Hurumende kuMatare eDzimhosva


Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaCain Mathema, uye mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, vaendeswa kudare ramejastiriti muHarare vachinzi varipe nhengo nhatu dzedare reparamende dzinoti dzakashungurudzwa mudare iri nemapurisa nemauto.

Nhengo idzi dzinoti dzakashungurudzwa dzichinzi dzakanga dzatadza kuremekedza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pavakapinda mudare muna Mbudzi gore rapera kuti vanzwe kuparurwa kwebhajeti.

Vari kuendesa VaMatema naVaMatanga kumatare ndi sachigaro weMadzimai, Amai Lynette Karenyi-Kore, sachigaro webato, Muzvare Thabitha Khumalo uye murongi wemisangano, VaAmos Chibaya.

Vatatu ava vanoti havana kuchingamidza kana kuremekedza VaMnangagwa nekuvasimukira pavakapinda vachiti vairatidza kusafara kwavo nemabatirwo akanga aitwa sarudzo izvo zvakapa kuti vatore danho rekusacherechedza VaMnagagwa.

Vatatu ava vanoda mari inosvika zviuru zvipfumbamwe zvemadhora pamunhu mushure mekunge vakuvara apo vaizvizvurudzwa nekumbunyikidzwa kuti vabude mudare.

Nhengo dzeMDC idzi dzakarapwa mushure mechiitiko ichi. Hatina kukwanisa kubata VaMatanga asi VaMathema varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti zvakaitika zviri pachena havangadi kupedza nguva vachitaura nezvazvo. Vatiwo Studio7 itaure nevakakwira kumatare vacho.

Gweta riri kumirira vatatu ava, Muzvare Tinomuda Shoko veZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti vavari kumirira vari kuda kusimbaradza hutongo hwejekerere nekusambunyikidzwa kwenhengo dzedare reparamende padzinenge dzichiita basa sezviri mubumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG