Mutumbi wemutungamiri webato rinopikisa reZapu, VaDumiso Dabengwa, uri kutarisirwa munyika neSvondo kubva kuNairobi, Kenya uko vakashaikira vachibva kuIndia kwavairapwa chirwere chechiropa.
Nhengo yebhodhi reDumiso Dabengwa Foundation, VaRoma Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mhuri yaVaDabengwa yakaenda kuNairobi neChishanu kunotora mutumbi wavo.
Vanhu vakaungana kumba kwavo panhamba 50 Ashton Road, Fourwinds, Bulawayo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kugara pasi nePolitburo yavo kuti vazivise nyika kuti VaDabengwa voitwa gamba renyika here kana kuti kwete.
Dzimwe nhengo dzebato reZanu-PF kuBulawayo dzakashanda naVaDabengwa, VaTshinga Dube naAmai Angelina Masuku vaisa chikumbiro kuPolitburo kuti VaDabengwa vaitwe gamba renyika.
Asi mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio7 kuti VaMnangagwa vasimuka munyika vakananga kuSouth Africa kunogadzwa kwemutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa neMugovera uye nyaya yaVaDabengwa inotarisirwa kuzeyiwa vadzoka.
Asi mukuru wemabasa muZapu kuchamhembe kwenyika, VaEdward Nare, vaudza Blessing kuti mhuri ndiyo ichataura kuti vanoradzikwa kupi.
Makurukota ehurumende nevatevedzeri vavo uye vebato reZanu-PF vaenda kunobata maoko mhuri yaVaDabengwa.
Zvichakadaro, mutungamiri webato rinopikisa reMavambo/Kusile/Dawn, Doctor Simba Makoni, avo vakashanda naVaDabengwa vanoti munhu asina chigumbu nevanhu.
Facebook Forum