Mukuru wedare remakurukota Doctor Misheck Sibanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vawedzera nemakore mashanu temu yagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti hurumende inoremekedza zvikuru vatori venhau uye iri mubishi kuvandudza mitemo inonzi inodzvinyirira vatori venhau yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act.
Bhanga reStandard Chartered rinoti riri kuzogumura vamwe vashandi sezvo rave kuendesa mamwe mapazi aro zvikuru anoda humhizha kuChina, India neMalaysia.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti hurumende ichishanda nenyanzvi munyaya dzemagariro evanhu iri kuongorora kuti nzvimbo dzakawirwa nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai kuManicaland dzakaita seChimanimani neChipinge dzinogarika here.
Hurumende yeAmerica inoti Zimbabwe haina zvizhinji zvairi kuvandudza munyaya dzezvematongerwo enyika zvingapa kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vehurumende zvibviswe.
Nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu vhiki roga roga yave kukonzera kusagadzikana munyika hurumende ichipomera vanopokisa, masangano akazvimirira uye vemabhizimisi mhosva yekuda kuipidigura.
Vamwe vagari vekuMasvingo vari kuchema chema zvikuru nenyaya yekukwira kwemitengo yezvekudya zvapa kuti vanonge svosve nemuromo.
Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaCain Mathema vanoti mapurisa ave kugara akadzipakatira sezvo vachiti pane vari kuda kupidigura hurumende mukuburikidza nekuratidzira.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDoug Coltart nhasi vapomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga zvichitevera musangano wavakaitwa musi weChishanu nanezuro unonzi nemapurisa waida kukonzera kusagadzikana munyika.
Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti zuva iri racherechedzwa panguva iyo sangano iri raparura muAfrica, hurongwa hwekutanga hwekudzivirira chirwere ichi pachishandiswa mishonga mitsva.
Nyaya yekuuya kwemutungamiri wenyika weUganda, VaYoweri Kaguta Museveni, kuzovhura zviri pamutemo hurongwa hweZimbabwe International Trade Fair, ZITF, kuri kuramba kuchikonzera mutauro wakanyanya munyika.
Mutungamiri wenyika yeUganda, VaYoweri Kaguta Museveni, vapinda munyika masikati ano vakatambirwa panhandare yendege nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBurundi, VaEzechiel Mbigira, vaita hurukuro nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muHarare nhasi vachida rutsigiro rwekuti nyika yavo ibvumidzwe kuva nhengo yeSADC.
Hurumende navemasangano ekunze kusanganisa United Nations osimbaradza zvirongwa zvekuti zvirwere zvakaita semalaria necholera zvisapararire kuChimanimani neChipinge kwakawirwa nedambudziko recyclone Idai.
Vatsigiri veDynamos vanetsana nemapurisa nhasi mushure mekunge chikwata chavo chakundwa 1-0 neHerentals kuRufaro Stadium mumutambo weCastle Premier Soccer League.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti munyika mave kuda kuitwa nhaurirano sezvo zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
Vanhu gumi nevatatu vashaya nhasi mangwanani munjodzi yekubonderana kwekombi nemotokari yemhando yeHonda Fit, kuHeadlands pedyo neMarondera. Vanhu vange vari mukombi ndevekereke yeSungano yeVapositori vanobva kuKarimbika kuUzumba Maramba Pfungwe.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanira kutanga vakumbira ruregerero kana vachida kugadzirisa nyaya yeGukurahundi iyo vakati vanhu vanofanira kusungunuka kutaura nezvayo.
Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita sarudzo mubato mavo kunyangwe vachiziva havo kuti pane vamwe vari kugona kunge vachingunun’una.
Kunyange hazvo hurumende nezuro yakakuridzira vemabhizimisi kuti vadzikise mitengo yezvinhu, ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mitengo haina kudzikiswa.
Rodhai zvimwe