Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVatatu Voshaya kuHeadlands Munjodzi yeMumugwagwa


Vanhu gumi nevatatu vashaya nhasi mangwanani munjodzi yekubonderana kwekombi nemotokari yemhando yeHonda Fit, kuHeadlands, Manicaland pedyo neMarondera. Vanhu vange vari mukombi ndevekereke yeSungano yeVapositori vanobva kuKarimbika kuUzumba Maramba Pfungwe.

Vamwe vanhu vakuvara vaendeswa kuchipatara cheMarondera vamwe vachiendeswa kuparirenyatwa.

Vatendi ava vainge vachibva paBazel Bridge, Manicaland apo vainge vachinamata paEaster. Kusvika parizvino pazororo reeaster kwafa vanhu vanodarika makumi matatu nemumwe munjodzi dzemumugwagwa idzi.

Mumiriri weUzumba mudare reparamende VaSimbaneuta Mudarikwa vashanyira nzvimbo yaitika njodzi yanhasi sezvo vamwe vashaya vari vemudunhu ravanomirira.

VaMudarikwa vaudza Studio 7 kuti vaisa chikumbiro kuhurumende kuti ibatsire mukuviga vanhu ava. Asi vati vange vasati vawana mhinduro kusvika parizvino.

Hurukuro naVaSimbaneuta Mudarikwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG