Hurumende yeAmerica inoti Zimbabwe haina zvizhinji zvairi kuvandudza munyaya dzezvematongerwo enyika zvingapa kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vatungamiri vehurumende zvibviswe.
Izvi zvabuda pamusangano waitwa neChitatu muWashington DC nesangano reCentre for Strategic and International Studies Strategic kana kuti CSISS razeya nyaya yemamiriro akaita zvinhu munyika zvikuru nyaya yezvekudya uye zvingaitwe kugadzirisa matambudziko aya.
Vachivhura hurukuro iyi, mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica kana kuti Deputy Assistant Secretary of State, Bureau of African Affairs Ambassador Mathew Harrington, vati kunyange hazvo America yakabuda pachena kuti zvii zvainoda kuti zviitwe isati yabvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende, zviri pachena kuti kuvakuru vehurumende yeZimbabwe muromo hauzarirwe nerwizi sezvo vari kungotaura kuti vari kuda kugadzirisa zvinhu asi pasina chabuda.
Vamwe vakataura pamusangano uyu mukuru mubazi rezverubatsiro muZimbabwe mubazi reUSAID, VaJason Taylor.
Vamwe vange varipo ndevakafanobata chigaro chemukuru anoongorora mamiriro ezvekudya musangano reFewsnet, VaPeter Thomas, uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari chipangamazano chehurumende, Muzvinafundo Ashok Chakravarti.
Muzvinafundo Chakravarti vati zvirango zviri kukonzera matambudziko uye zvinofanira kubviswa.
Asi vachipindurawo VaJason vati handi chokwadi kuti Zimbabwe iri kutadza kubudirira nenyaya yemutemo wezvirango weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti (ZIDERA) vachiti chiri kupa kuti Zimbabwe itadze kupihwa mari inyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti.
Panyaya dzezvekudya, VaThomas vati vanhu vakawanda munyika vakatarisana nenzara inotyisa.
VaTaylor vanoti zvinhu zvikasagadziriswa munyika munogona kusagadzikana vanhu vachiratidzira sezvakaitika muna Ndira pakawedzerwa mafuta ekufambisa dzimotokari kunyangwe havo vatenda kuti vanhu vemuZimbabwe havadi zvekurwisana zvinopa kuti munyika musadeuke ropa.
Mutemo weZIDERA wakadzikwa nedare reCongress remuAmerica iro raipomera vatungamiri venyika yeZimbabwe mhosva yekutonga nedemo.
Facebook Forum