Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti hurumende ichishanda nenyanzvi munyaya dzemagariro evanhu iri kuongorora kuti nzvimbo dzakawirwa nedambudziko redutumupengo reCyclone Idai kuManicaland dzakaita seChimanimani neChipinge dzinogarika here.
Asi vanoti ongororo dzekutanga dziri kuratidza kuti nzvimbo dzakawanda dzakaikta seNgangu neKopa kuri kuratidza kuti hakuchagarike.
Nhasi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaita musangano nemadzishe ekuManicaland vachizeya nezvehurongwa hwehurumende hwekuti vamwe vanhu vakawirwa nedambudziko reCyclone Idai vatamiswe.
Vamwe vanhu vari kutaura neStudio 7 vanoti vari kutyira kuti vanozosiya marinda ehama dzavo uye kurasikirwa neraramo yavo sezvo vachirarama nekutengesa michero yakaita semabhanana ari munzvimbo iyi.
Masangano eUnited Nations anoti muZimbabwe vanhu vanodarika mazana mashanu vakafa nekuda kwedutumupengo Idai kunyangwe hurumende ichiti vanhu vanodarika mazana matatu chete.
Facebook Forum