Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vowedzera Dr Mangudya Mamwe Makore Mashanu Vari Gavhuna weRBZ


Gavhuna weRBZ John Mangudya
Gavhuna weRBZ John Mangudya

Mukuru wedare remakurukota Doctor Misheck Sibanda vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vawedzera nemakore mashanu temu yagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya.

Mumashoko kuvatori venhau VaSibanda vati izvi zvakatanga musi wa 1 Chivabvu mwedzi uno. Izvi zvaitwa pasi pemutemo weReserve Bank Act.

VaMangudya vakatora chigaro ichi kubva kuna VaGideon Gono muna 2014. VaMangudya vakamboshanda kuRBZ kwemakore gumi senyanzvi munyaya dzezvehupfumi kusvika muna 1996 vasati vaenda kunoshanda kubhanga reAfrican Export-Import Bank kana kuti Afrexim.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG