Accessibility links

Breaking News

Kukwira kweMitengo Kwokonzera Kusagadzikana Munyika


VaMthuli Ncube
VaMthuli Ncube

Nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu vhiki roga roga yave kukonzera kusagadzikana munyika hurumende ichipomera vanopokisa, masangano akazvimirira uye vemabhizimisi mhosva yekuda kuipidigura.

Asi vanopikisa vanoti hurumende yakundikana zvachose kugadzirisa hupfumi nekudaro yave kungopumha vanhu huroyi.

Mukuru wesangano revanotengesa mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzai, vanoti vanhu vakawanda munyika vari kushamisika kuona vekambani dzenharembozha vachikwidza mitengo.

Izvi handizvo chete zvakwira mitengo kana kutarisirwa kuti zvichakwira, chingwa, nyama, hupfumi, mari dzerendi zvakawedzerwawo.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vaudza vatori venhau kuti dare remakurukota rataura nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu rikawirirana kuti richayedza kuwanira vemabhizimisi mari yekunze yekuti vakwanise kugadzira zvinhu zvine mutengo wakaderera.

Amai Mutsvangwa vatiwo vari kukumbira vemabhizimisi kuti vadzikise mitengo.

Mune imwe hurukuro yavakaita neStudio7 Amai Mutsvangwa vakaratidzawo kushusikana nenyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu.

Hurumende inoti kuburikidza nekambani yakaumbwa kubva muGrain Marketing Board inonzi Silo Food Products iri kuparura hurongwa hwekugadzira zvimwe zvekudya zvichatengeserwa vanhu zvakaderera mutengo.

Asi vaimbova gurukota rezvemari munguva yehurumende yemubatanidzwa vari nhengo yeMDC, VaTendai Biti, vanoti izvi zvakamboyedzwa zvikaramba kushanda.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza, vakayambira kuti mari dzematoll gates uye dzemitero yemotokari dzichawedzerwa.

VaWadzai vanotiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vanotengesa mumigwagwa. VaBiti vanoti zviri pachena kuti hurumende yakundikana.

Asi hurumende pachayo iri kuramba kuti ndiyo yakonzera kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo ichipomera vemabhizimisi nenyika dzakabudirira mhosva yekuvhiringidza zvinhu nechinangwa chekuda kuipidigura.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, uye gurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, vanoti vanopikisa, masangano akazvimirira oga nevemabhizimisi ndivo vari kupa kuti zvinhu zviwedzerwe mutengo.

Mashoko aya anotsinhirwa namuzvinabhizimisi akakwikwidza kuWarren Park akamirira Zanu-PF, asi akakundikana, VaGilbert Muponda, avo vanoti vemabhizimisi vave kufurirana kukwidzwa mitengo.

Asi VaBiti vanoti mitemo yehurumende ndiyo iri kupa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

Kuvanhu vakawanda munyika yave nyaya yekuti mwana atsva dumbu mai vatsva musana sezvo zvikoro zviri kuvhurwa svondo rinouya zvimwe zvikoro zvichiwedzerawo mari dzechikoro.

Vana vari kuenda kumabhodhingi vanonzi vauye nechikafu zvekare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG