Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reMalaria Pasi Rose

Zimbabwe yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza chirwere cheMalaria, kana kuti World Malaria Day.

Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti zuva iri racherechedzwa panguva iyo sangano iri raparura muAfrica, hurongwa hwekutanga hwekudzivirira chirwere ichi pachishandiswa mishonga mitsva.

WHO yakasarudza Malawi kuti ive inotanga kushandisa mushonga wekudzivirira chirwere ichi muvana vadiki, pamwe nenyika dzinoti Kenya ne Ghana, sezvo nyika idzi dziine huwandu huri pamusoro hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi.

Chirongwa chaparurwa ichi chichadzivirira vana mazana matatu ezviuru kuti vasabatwe ne Malaria, zviuru zana nemakumi maviri, vari vana vemu Malawi chete.

Mushonga wekudzivirira Malaria uri kutanga kupihwa vana kusvika pamakore maviri munyika nhatu idzi.

Dingindira regore rino rinoti kuti pasave neanobatwa nechirwere cheMalaria, zvinotanga neni kana kuti β€˜Zero Malaria Starts With Me’.

WHO inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mazana maviri negumi, vakabatwa nechirwere cheMalaria muna 2017, zvichienzaniswa mamamiriyoni mazana maviri nemakumi matatu nemapfumbamwe, avo vakabatwa nechirwere ichi muna 2010.

Mukuru anoona nezvezvirongwa zvekurwisa chirwere ichi munyika yose mubazi rezvehutano, Dr Joseph Mberikunashe, vanoti Zimbabwe inoti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi, hwaderera nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana, asi vakawanda vachibatwa nechirwere ichi kuManicaland.

Hurukuro naDr Joseph Mberikunashe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reWHO rinoti vanhu vanosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana, vari munjodzi yekubatwa neMalaria.

Gore rapera vanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri vakafa nechirwere ichi, zvichienzaniswa nevanhu mazana mashanu nemakumi masere, avo vakafa muna 2017.

Asi vanhu vanoda kusvika zviuru makumi mashanu vakabatwa nechirwere ichi kuManicaland kubva muna Ndira gore rino, zvichireva kuti munzvimbo iyi huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi, hwakura nezvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti izvi zvakakonzerwa nedutumupengo reCyclone Idai.

Chirwere ichi chinonetsa zvakanyanya muZimbabwe kubva mumwedzi waKurume kusvika muna Chivabvu, kunyange hazvo humutu huchitanga kunetsa vanhu mumwedzi waMbudza panotanga kunaya mvura.

Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG