WASHINGTON —
Kunyange hazvo hurumende nezuro yakakuridzira vemabhizimisi kuti vadzikise mitengo yezvinhu, ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti mitengo haina kudzikiswa.
Zvinhu zvakawedzerwa mitengo zvinosanganisira, chingwa, mafuta ekubisa, hupfu nezvimwe.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende iri kunetsekana zvikuru nekukwira kwemitengo yezvinhu uye iri kukurudzira vemabhizimisi kuti vadzikise mitengo kwete kuda kuimanikidza kuti ipindire panyaya yemitengo.
Facebook Forum