Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC, VaChamisa, Vofadzwa neMafambiro eMakongiresi eMatunhu ebato Ravo


Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vanozviziva kuti kune vamwe vari kunyunyuta nemafambisirwo esarudzo dzakaitwa mumatunhu ebato ravo.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanoti vanozviziva kuti kune vamwe vari kunyunyuta nemafambisirwo esarudzo dzakaitwa mumatunhu ebato ravo.

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita sarudzo mubato mavo, kunyangwe vachiziva zvavo kuti pane vamwe vanogona kunge vachingunun’una.

Nemusi weChina, MDC yakapeta sarudzo dzevatungamiri mudunhu reBulawayo, uko kwakadoma VaChamisa chete kuti vatungamire bato reMDC.

VaChamisa kusvika pari zvino vadomwa nematunhu gumi nerimwe kuti vatungamira vasina ari kuvakwikwidza, uye kwasara matunhu maviri chete anoti rekuSouth Africa nekuBritain kuita kongiresi dzematunhu uye kudoma vavanoda kuti vatungamire bato.

Mumwe aida kukwikwidzana naVaChamisa pachigaro chemutungamiri webato pakongiresi iri kutarisirwa kuitwa kubva musi wa 24 Chivabvu kusvika musi wa 26 Chivabvu, munyori mukuru webato reMDC, VaDouglas Mwonzora.

Asi Svondo rapera VaMwonzora vakazozivisa kuti vakanga vave kubuda mudariro kuitira kuti vasiye VaChamisa vachipedzisa basa ravakatanga, rekutungamira bato, ivo vorambawo vari kubasa ravo rekuve munyori mukuru.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti VaMwonzora vanogona kunge vakatoonekana nechigaro chikuru mubato iri, sezvo paine dzimwe nhengo dzebato dziri kudawo chigaro chemunyori mukuru ichi, dzakatodomwa nematunhu kuti dzikwikwidze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG