Mutungamiri webato guru rinopiksa reMDC, VaNelson Chamisa, vanoti munyika hamuna chekupemberera uye havawirirane nemashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuNational Sports Stadium ekuti vari kugadzirisa zvinhu.
Hurumende yeZimbabwe ichishanda nemapazi eeUnited Nations anoti rioona nezvehutano reWorld Health Organization, WHO, nerevana reUnicef, yaparura chirongwa chekupa vanhu mushonga wekunwa kudzivirira chirwere chekorera kana kuti oral cholera vaccine.
Vamwe vatsigiri veMDC inotungamirirrwa naVaNelson Chamisa vanoti vanofara zvikuru nedanho rakatorwa nezuro nemunyori mukuru webato iri vaDouglas Mwonzora rekusakwikwidza pachigaro chehutungamiriri webato iri pakongiresi ichaitwa mwedzi unouya.
Vamwe vagari vekuNgangu vanoti vari kukurudzira hurumende nemasangano akazvimirira oga kuti avabatsire nematende ekugara sezvo vakasiiwa vasina dzimba dzekugara nedutumupengo cyclone idai.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaita hurukuro neZBC uye bepanhau reHerald ichaburitswa musi wa 18 Kubvumbi pazuva rekupemberera kuwana kuzvitonga kuzere.
Bato reMDC riri kuita sarudzo dzakatarisirwa zvikuru nevakawanda mudunhu reManicaland.
Hurumende yeBritain inoti icharamba yakatemera zvirango Zimbabwe kunyangwe ikabuda mugungano reEuropean Union.
Gurukota rezvemari muzvinafundo Mthuli Ncube vari kupinda mumisangano yeWorld Bank neIMF yepagore kana kuti Spring Meetings muno muWashington DC.
Gurukota rezvekudzivirirwa kweSudan, uye vari mutevedzeri vemutungamiri wenyika, VaAwad Mohamed Ahmed Ibn Auf, ndivo vazivisa veruzhinji panhepfenyuro yehurumende, vakatiwo mauto achange achitonga nyika iyi kwemakore maviri.
Nyaya iyi yaunza kupesana munyika vamwe vachiti inobatsira mukuumba hukama nenyika dzakaita seBirtian neAmerica, asi vamwe vachiti minda iyi yakatorer
Vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru varamba mashoko ari mubepanhau reSunday Mail ekuti vari kuda kudzokera kubato reZanu-PF kunyangwe vati havo bato iri rakambotumira nhumwa kuzovakumbira kuti vadzoke.
Nyika dzepasi rino dziri kubatana mukucherechedza makore makumi maviri nemashanu kubva zvatanga hondo yemarudzi kuRwanda muna 1994.
Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reBuild Zimbabwe VaWilliam Widzo Pilbrough, muchena mumwe chete ane chigaro chakadai mumapato ezvematongerwo enyika vakashaya nezuro masikati mushure mekurwara kwenguva pfupi.
Zvimwe zvipangamazano zveUnited Nation’s munyaya dzezvekodzero dzevanhu zvaburitsa mashoko zvichiti mitemo yehurumende yeZimbabwe iri kupa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere zvichiomesera varombo.
Dhora remunyika reRTGS riri kuramba richishaya simba zvichienzaniswa nerekuAmerica zvopa kuti vashandi vaomerwe nehupenyu
Chikwata chesangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, chiri kushanya munyika murwendo rwacho rwepiri pasi pehurongwa hwe Staff Monitored Programme, uhwo hunotarisirwa kubatsira Zimbabwe kuti ikwanise kuwana zvakare mukana wekukwereteswa mari.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rino vari kutarisirwa kutungamira chikwata chemapato madiki anopikisa kuChimanimani neChipinge, Manicaland kunooona kuparadzwa kwakaitwa nzvimbo iyi detumupengo kana kuti tropical cyclone Idai.
Imwe mhuri yemuZimbabwe yaigara kuWestern Cape muSouth Africa iri kutsvaga rubatsiro rwekunoviga hama dzavo ina kumusha kuSanyati mushure mekunge dzapisirwa mumba nemunhu anofungidzirwa kuti chizvarwa chekuSouth Africa
Bazi rezvekuburitswa kwemashoko raburitsa pandandemutande raro reTwitter kuti huwandu hwevanhu vemuZimbabwe vakafa vakavigwa kuMozambique mushure mekuyeredzwa nemashamu emvura etropical cyclone Idai hwasvika pamakumi masere nevaviri.
Imbwa dzakabva kuSouth Africa dzinonzi dzakwanisa kufunhidza panofungidzirwa kuti pane mitumbi yevanhu vanodarika gumi nevatanhatu kuNgangu kuChimanimani.
Rodhai zvimwe