Hurumende yeZimbabwe ichishanda nemapazi eeUnited Nations anoti rioona nezvehutano reWorld Health Organization, WHO, nerevana reUnicef, yaparura chirongwa chekupa vanhu mushonga wekunwa kudzivirira chirwere chekorera kana kuti oral cholera vaccine.
Chirongwa ichi chiri kuitwa kuChimanimani neChipinge uko kwakawirwa nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura eCyclone Idai.
Mumashoko ayo kuvatori venhau, WHO yati iri kuda kupa vanhu nhomba vanodarika mazana mana nemakumi masere ezviuru, kana kuti 487 825.
Mari yemishonga iyi iri kubva ku Global Alliance for Vaccines and Immunisation kana kuti Gavi.
Sangano iri rinobatsirwa nemari neshoroma, VaBill Gates, nemudzimai wavo Melinda, varidzi veBill Gates Foundation.
Gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzirawo hutsana kuvanhu vari munzvimbo dzeManicaland dzakawirwa nedambudziko redutumupengo idzi kuitira kuti vakudze hutsana kuitira kuti vasabate zvirwere zvinokonzerwa nekunwa mvura isina kuchena.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Dr Enoch Mayida, vanoti munzvimbo dzinenenge dzaita mafashamu pane dambudziko guru rekuti vanhu vanogona kubatwa nezvirwere zvinosanganisarawo zvemanyoka netyphoid.
Vatiwo rimwe dambudziko guru nderekuti kuBeira, Mozambique, uko kwakaitawo dambudziko redutumupengo nemafashamu, kutori nevanhu vakabatwa nekorera nekudaro muZimbabwe vanhu vanofanirwa kugara vakachenjera.
Facebook Forum