Accessibility links

Breaking News

Varimi Vachena Vakadzingwa Vanoti Mari yeMuripo Iri Kuvimbiswa neHurumende Haikwane


Hurumende inoti ine hurongwa hwekuripa vamwe varimi vachena vakatorerwa minda kunyange zvayo iri kutatarika nekugadzirisa hupfumi hwenyika uho hwaita mhidigari.

Nyaya iyi yaunza kupesana munyika vamwe vachiti inobatsira mukuumba hukama nenyika dzakaita seBirtian neAmerica, asi vamwe vachiti minda iyi yakatorerwa madziteteguru nechisimba uye haifanire kunge ichiripwa.

Hurumende yakambopika kuti vachena vakatorerwa minda havaizoripwa yave kuimba rumwe rwiyo zvichitevera chiziviso kubva kubazi rezvemari nezvekurima kuti pane hurongwa hwekuripa mari shoma iripo vamwe varimi ava.

Chiziviso ichi chinoti mukupera kwemwedzi uno panenenge pave nemazita evanhu vacharipwa uye vanogona kutanga kubhadharwa mwedzi unouya.

Izvi zviri kukatyamadza vanhu vakawanda kusanganisira vamwe varimi vachena vakaita saVaIan Kay.

Asi mubumbiro remitemo yenyika, sematauriro wenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, rinosungira hurumende kuripa varimi vachena ava.

Mashoko aya atsinhirwa nemupepeti mukuru webepanhau reZimbabwe Independent, VaDumisani Muleya.

Mubhajeti regoro rino, hurumende yakaisa parutivi mari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe ekuAmerica yekutanga kubhadhara vachena.

Asi mumwe murimi muchena akatorerwa munda, VaBen Freeth, vanoti mari iyi idonhwe mugungwa.

Vanoti semuenzaniso, murimi mumwe chete chete akaendesa hurumende kudare re International Centre for Settlement of Investment Disputes muWashington DC muAmerica akanzi apihwe mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi mapfumbamwe nemashanu emadhora, US$195 million.

Asi hurumende inoti pari zvino iri kungoda kupa mari yemuripo kuvarimi vakwegura kuitira kuti vawane kubatsirikana.

Varimi vakawanda vave nemakore anodarika makumi manomwe ekuberkwa zvekuti vakawanda vacho vanoti kurarama kwave kunetsa.

VaFreeth vati vange vachiita misangano nehurumende kuti vaone kuti ndiyani apihwa mari.

Asi vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti nenyaya yekuti paramende haisi kusumwa panogona kuitwa chioko muhomwe.

Ko nyaya iyi ingagadziriswe sei chaizvo? VaMuleya vanoti panoda kuti Zimbabwe ikumbire mari kubva kunyika yeBritain nedzimwe.

VaJokonya vatsinhirawo mashoko ekuti Zimbabwe haikwanisi kuunganidza mari yekubhadhara varimi vose vakabvutirwa mapurazi avo.

Nyaya yeminda yave nemakore akawanda ichinetsa uye yakatomboda kuti hurukuro kuLancester House muna 1979 dzitadze kubudirira sezvo painge paita gakava kuti nyaya yevhu yogadziriswa sei.

Pakazoitwa chibvumirano chakaitwa mubumbiro remutemo reLancaster House Constitution chekuti mumakore gumi kubva muna 1980 kusvika 1990 hurumende yaifanira kuwirirana nevachena vaida kutengesa minda yogarisa vanhu patsva.

Asi izvi hazvina kubudirira zvakapa kuti pazoita hondo yeminda muna 2000 apo minda yakatorwa nechisimba.

Hurumende yeZimbabwe inoti nyaya yekutora minda nechisimba iyi ndiyo yakapa kuti itemerwe zvirango zvauraya hupfumi. Asi nyika dzakaita seAmerica neBritain dzinoti Zimbabwe yakatemerwa zvirango nekutonga nedemo.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG