Accessibility links

Breaking News

Britain Yoronga Kuramba Yakatemera Zimbabwe Zvirango kuNyangwe Ikabuda muEU


VaEmmerson Mngangagwa
VaEmmerson Mngangagwa

Hurumende yeBritain inoti icharamba yakatemera zvirango Zimbabwe kunyangwe ikabuda mugungano reEuropean Union.

Britain yakaburitsa gwaro rinonzi “The Zimbabwe (Sanctions) (EU Exit) Regulations 2019 rinoti nyika iyi ichazoramba yakatemera Zimbabwe kusvika yaremekedza kodzero dzevanhu.

Zvimwe zvinonzi neBritain zvigadziriswe zvinosanganisa kuremekedza mitongo yematare, kumira kuvhiringidza masangano akazvimirira uye masangano evatori venhau nezvimwe. Nyika iyi inoti yakagadzirira kudzika zvirango izvi kana yangobuda muEU.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti Britain yakatemera zvirango Zimbabwe nenyaya yeminda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi gweta gweta VaDewa Mavhinga vanoti Zimbabwe iri kugadzirisa nyaya yeminda asi panyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu inenge iri kudzokera kumashure. Vapa muenzaniso nyaya yekupfurwa kwevanhu nemauto muguta reHarare muna Nyamavhuvhu nemunaNdira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG