VaObasanjo vakanyora bhuku rehutongo hwejekerere muAfrica pamwe chete nemutevedzeri wasachigaro weMDC Inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaTendai Biti, Greg Mills uye muzvinafundo wemuAmerica, Jeffrey Herbst.
Bato reZanu-PF riri kupomerwa mhosva yekupindira munyaya dzezvekugoverwa kwechikafu kuChimanimani neChipinge uko kune vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.
Kutsvaga mitumbi yevanhu vakashaikwa padutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Cyclone Idai vanodarika mazana matatu kwave kutora nguva yakarebesa nekuti hurumende haina zvikwanisiro.
Komiti yeparamende yeStanding Rules and Orders iri Musvingo umo iri kutanga kuita ongororo nhasi yekufa kwevanhu uye kuparadzwa kwemisha yavo nezvipfuyo nedutumupengo reTropical Cyclone Idai.
Vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari zvapa kuti vemichovha vawedzere mari.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti huwandu hwevanhu vafa nenyaya yedutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai kuManicaland neMasvingo hurikuramba huchikwira.
Mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaya kwemumwe mudzimai aive mutsigiri mukuru wemaWarriors, aizivikanwa nekuti Amai Tadiwa.
Mumwe wevanhu akashaikirwa nemudzimai wake, VaPeter Siyekaya, avo vanogara kuNgangu kuChimanimani, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekurasikirwa nemudzimai wavo.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti mauto achiri mubishi rekutsvaga mitumbi yevanhu vakashaya kunjodzi redutumupengo kana kuti Tropical Cyclone Idai kuManicaland.
Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko raburitswa padandemutande raro reTwitter kuti vanhu zana nemakumi matatu nemapfumbamwe vafa kusvika parizvino nedambudziko retropical cyclone Idai.
Nyaya yedutumupengo Idai yapa kuti vamwe vanhu varasikirwe nehama dzavo dzakawanda zvikuru kuManicaland kunyanya
Pope Francis vatumirawo mashoko enyaradzo kunyika nhatu dzakawirwa nedambudziko redutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai iro rauraya vanhu vanogona kudarika chiuru chimwe chete muZimbabwe, Mozambiuque neMalawi.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti nemamiriro akaita zvinhu munyika Zimbabwe, ikasabatsirwa nenyika dzekunze uye masangano anopa rubatsiro, inogona kutatarika kugadzirisa zvivakwa zvakaparadzwa.
Mumwe wevakashaya ava mudzidzisi VaRobert Manono vakayeredzwa nemvura kuChipinge vachibva vazoonekwa vakashaya.
Mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa vati vari kutsvagawo rubatsiro rwekubatsira vanhu vawirwa nedambudziko redutumepengo remafashamu emvura nemhepo reTropical Cyclone Idai.
Vanhu makumi masere nevaviri vashaya parizvino nenyaya yedutumupengo reTropical Cyclone Idai kuManicaland.
Dutumupengo remvura nemhepo rinonzi Tropical Cyclone Idai rauraya vanhu makumi matatu nemumwe kusvika parizvino kuChipinge neChimanimani mudunhu reManicaland.
Vakafanobata chigaro chemukuru wedunhu reManicaland kana kuti Provincial Administrator VaWilson Bonde vaudza vatori venhau nhasi kuti vanhu makumi maviri nevatatu vafa uye vamwe vanodarika zana nemakumi mashanu havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri weMDC VaMorgan Komichi vakabatwa vaine mhosva panyaya yavange vachipomerwa kudare ramejastiriti muHarare.
Dare ramejastiriri muHarare rapa hurumende simba rekutengesa imba yekuNyanga yevaive gurukota VaSavior Kasukuwere.
Rodhai zvimwe