Bato reZanu-PF riri kupomerwa mhosva yekupindira munyaya dzezvekugoverwa kwechikafu kuChimanimani neChipinge uko kune vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo Cyclone Idai.
Asi gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vaudza Studio7 kuti bazi ravo ndiro riri kutungamira hurongwa hwekupa vanhu chikafu uye handi chokwadi kuti Zanu-PF ndiyo yave kutora basa iri.
Asi vamwe vagari vekunzvimbo iyi vari kuudzawo Studio 7 kuti nyaya yekupindira kwezanu-PF yave kupa kuti kuwana chikafu kunetse sezvo vari kunzi ndevemapato anopikisa.
Mapepanhau akaita seNewsday neDaily News ari kuburitsawo nyaya idzi vachiti Zanu-PF yaendesa motokari nenhengo dzayo kunogovera chikafu uye vanonzi vari kunyima vamwe vach.
Asi Nhengo yeZanu-PF vari Muzvinabhizimisi, VaGilbert Muponda, vanoti Zanu-PF iri kungobatsirawo mukutakura chikafu.
Asi mutauriri weMDC kuManicaland vachimirira Mutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti vanhu vekuChimanimani neChipinge vari kugunun’una kuti vari kunyimwa chikafu.
Facebook Forum