Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mudzidzisi Ofa Mushure Mekuyeredzwa neRwizi


VaRobert Manono
VaRobert Manono

Mumwe wevakashaya ava mudzidzisi VaRobert Manono vakayeredzwa nemvura kuChipinge vachibva vazoonekwa vakashaya.

VaManono avo vaidzidzisa paSouthdown Primary School vasiya mudzimai nevana vana.

Mhuri yaVaManono inoti yakakundikana kuwana rubatsiro kubva kumapurisa kana kubazi rinobatsira munjodzi reCivil Protection Unit.

Izvi zvapa kuti vakawanda vati hurumende inenge yange isina kugadzirira zvakakwana dambudziko rakadai.

Munin’ina wavo VaEffort Manono vanoti vari kutarisira kuradzika mukoma wavo nemusi weChina sezvo nzira dzisiri kufambika.

Hurukuro naVaEffort Manono
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG