WASHINGTON —
Mumwe wevakashaya ava mudzidzisi VaRobert Manono vakayeredzwa nemvura kuChipinge vachibva vazoonekwa vakashaya.
VaManono avo vaidzidzisa paSouthdown Primary School vasiya mudzimai nevana vana.
Mhuri yaVaManono inoti yakakundikana kuwana rubatsiro kubva kumapurisa kana kubazi rinobatsira munjodzi reCivil Protection Unit.
Izvi zvapa kuti vakawanda vati hurumende inenge yange isina kugadzirira zvakakwana dambudziko rakadai.
Munin’ina wavo VaEffort Manono vanoti vari kutarisira kuradzika mukoma wavo nemusi weChina sezvo nzira dzisiri kufambika.
Facebook Forum