Accessibility links

Breaking News

Dhiziri nePeturu Zvonetsa Kuwana Zvakare muZimbabwe


Vakawanda munyika vari kuchema chema nekushaikwa kwemafuta ekufambisa dzimotokari zvapa kuti vemichovha vawedzere mari nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

Asi hapana kujeka kuti chii chaizvo chiri kukonzera kushomeka kwemafuta aya.

Hurumende inoti kunyange hazvo pombi inotakura mafuta kubva kuBeira yakambovharwa, nyika ine mafuta ekutakura dzimotokari akakwana kumatura avo anokwana mwedzi miviri.

Gurukota rinoona nezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo, vanoti vanhu havafanire havo kuvhunduka panyaya yemafuta ekufambisa dzimotokari sezvo Zimbabwe yagara yakagadzirira.

Mafuta ekufambisa dzimotokari zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana anouya nepombi kubva kuBeira, Mozambique, guta rakaparadzwa nemvura.

Mozambique ndiyo inotakura mafuta nepombi yayo kubva kuBeira kusvika kuFeruka kwaMutare kuburikidza nekambani inonzi Companiya Du Pipeline Mozambique-Zimbabwe.

Kubva kuFerruka kusvika kuMabvuku inenge yave yekambani yemuZimbabwe yeNational Oil and Infrastructure Company.

VaGumbo vanoti pombi iyi haina kuparadzwa asi kuti imba inoshandiswa kupomba mvura kana kuti control room kuBeira ndiyo yakange yaparadzwa.

Asi munyori mukuru musangano revashandi reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kushaikwa kwemafuta kwave kukonzera kuti venmakombi vawedzere mitengo izvo zvopa kuti vashandi vaomerwe nehupenyu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti kushaikwa kwemafuta edzimotokari kunokanganisa mabhizimisi zvakanyanya.

VaMugano vati zviri pachena kuti hurumende haina mari yekunze yekutenga mafuta ekufambisa dzimotokari.

Muna Ndira, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakawedzera zvakanyanya mutengo wemafuta vachiti zvaizopa kuti awanikwe.

Izvi zvakakonzera kuratidzira kwakazopa kuti vamwe vanhu vapfurwe nemauto.

Asi zvekuti mafuta awanikwe munyika zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG