Accessibility links

Breaking News

Bhuku raVaObasanjo naVaBiti Rinotorwa Zvechisimba neHurumende yaVaMnangagwa.


VaMills, VaObasanjo, VaChamisa naVaTendai Biti

Hurumende yakatora nechisimba mabhuku anga auya nevaimbove mutungamiri wenyika yeNigeria, VaOlesugun Obasanjo, pavakapinda munyika neChina.

Izvi zvakaitika neChina panhandare yeRobert Mugabe International muHarare.

VaObasanjo vakanyora bhuku rehutongo hwejekerere muAfrica pamwe chete nemutevedzeri wasachigaro weMDC Inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaTendai Biti, Greg Mills uye muzvinafundo wemuAmerica, Jeffrey Herbst.

Bhuku iri rinonzi Democracy Works: Re-Wiring Politics to Africa's Advantage uye razoparurwa muHarare naVaObasanjo naVaChamisa pasi pehurongwa hwesangano reSouthern Africa Political and Economy Series Trust.

Asi hurongwa uhu hunonzi hwanonotswa kuitwa kwemaawa matatu. Hazvina kujeka kuti ndiyani chaizvo akaita kuti mabhuku aya atorwe, kana kuti zvakaitwa nebazi ripi rehurumende.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvekupinda nekubuda munyika.

Ukuwo munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakatiwo havazivi zvaitika sezvo vari kuNambia.

Asi vakati vachayedza kuti vanzwisise kuti chii chatora nzvimbo.

Hatina kukwanisa kutaura naVaBiti kanawo VaObasanjo sezvo vange vaenda kunoparura bhuku iri kuMalawi.

Asi mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vakati zvaitwa nehurumende zvekutora mabhuku zvinoshoresa nyika pasi rose.

VaMafume vakatiwo hurumende inofanirwa kuremekedza VaObasanjo sezvo vari munhu aimbove mutungamiri wenyika, uye anozivikanwa nekuunza hutongo hwejekerere munyika make.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG