Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Masere neVavaviri Vourayiwa neDutumupengo Idai


Vanhu makumi masere nevaviri vashaya parizvino nenyaya yedutumupengo reTropical Cyclone Idai kuManicaland.

Asi huwandu uhu huri kutarisirwa kukwira sezvo vanhu vakawanda vasiri kuzivikanwa kuti varipi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vange vamboenda kuUnited Arab Emirates vari kutarisirwa kudzoka kumusha kuti vazoita mubatira pamwe nenyika yawirwa nedutumupengo remvura nemhepo kana kuti Tropical Cyclone Idai.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika nevanhuwo zvavo vari kushora VaMnangagwa kuti vakasimuka munyika kunyangwe hazvo zvange zviri pachena kuti nyika yainge yotarisana nedambudziko redutumupengo.

Vanhu ava vari kutumira mashoko kuStudio 7 uye kunyora pamadadendemutande akaita seTwitter neFacebook.

Asi vamwe vari kuvatsigira vari kuti vaita zvakanaka kudzoka kumusha uye vari kuUnited Arab Emirates ikoko vakatangawo kutsvaga rubatsiro kuRed Crescent yekunyika iyi.

Munyori mukuru bazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoti VaMnangagwa vakaenda vasingazive kuti dambudziko iri raizokura uye havasi kudzika vari maoko chete sezvo vakabva vatanga kutsvaga rubatsiro vari kunze.

Hurukuro naVaNathan Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro mamwe makurukota mana ehurumende anosanganisira VaJuly Moyo, VaPerence Shiri, Doctor Sekesai Nzenza naVaJoel Biggie Matiza vakamboyedza kushanyira nzvimbo dzakaparadzwa nedutumupengo iri.

Asi vanonzi vasangana nematambudziko makukutu sezvo kusiri kufambika. Mukuru weCivil Protection Unit VaNathan Nkomo vanoti mauto ari kuyedza napose paanogona kugadzira migwagwa isiri kufambika.

Hurukuro naVaNathan Nkomo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dutumupengo iri rakatanga kuparadza zvinhu kuMozambique musi wa 14 Kurume risati rapinda muZimbabwe richinorova kuChipinge neChimanimani kunyanya richiuraya vanhu nekuparadza zvivakwa.

Dzimwe nzvimbo dziri kutarisirwa kusangana nedambudziko iri dzinoti Mashonaland East, Mashonaland Central, Mashonaland West, Masvingo neMidlands.

Asi vebazi rezvemamiriro ekunze kana kuti Metrological Services Department vanoti vari kutarisira muguta reHarare nemamwe matunhu eMatabeleland achasanganawo zvishoma nedambudziko remhepo nemvura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG