Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Mimwe Mitumbi yekuZimbabwe Yovigwa nevekuMozambique


Zimbabwe Cyclone IDAI
Zimbabwe Cyclone IDAI

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vanoti mauto achiri mubishi rekutsvaga mitumbi yevanhu vakashaya kunjodzi redutumupengo kana kuti Tropical Cyclone Idai kuManicaland.

Asi vatenda kuti pane vamwe vanhu vave kuzigwa kuMozambique sezvo mitumbi yavo yakayeredzwa nemvura yainge yoora.

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende iri kukumbira madzishe nemasabhuku kuti vagari pasi vanhu vose vakapona kuti paonekwe kuti ndevapi vakayeredzwa nemvura kana kufushirwa nemadhaka.

Asi vanhu vakawanda vanoti hurumende iri kunonoka kutsvaga hama dzavo nekudaro vave kuzviitira vega vamwe vachienda kuMozambique vachitevera rwizi kuti vayedze kutsvaga hama dzavo dzakayeredzwa.

Sangano reInternational Organization for Migration rinoti huwandu hwevanhu vafa munyika hunosvika pamazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe.

Pachikoro cheDzingire Primary School kuChimanimani panonzi pane vana vechikoro makumi matatu nevapfumbamwe nevarairidzi vana vakayeredzwa nemvura vasiri kuzivakanwa kuti varipi.

Zimbabwe iri kutarisirwa kutanga nemusi weMugovera neSvondo kubatana mukuchema vanhu vakawirwa nedambudziko redutumupengo iri kuManicaland neMasvingo. Izvi zvakaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mumwe mugari wekwaRusitu kuChimanimani VaShindton Mlambo vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo parizvino vasati vawana chikafu.

Hurukuro naVaShindton Mlambo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG