Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti huwandu hwevanhu vafa nenyaya yedutumupengo kana kuti tropical cyclone Idai kuManicaland neMasvingo hwasvika pamazana nemakumi manomwe nemapfumbamwe uye vamwe vanhu vanodarika mazana matatu nemakumi maviri nemapfumbamwe havasi kuzivikanwa kuti varipi.
Asi bazi reUnited Nations rinoona nezvemagariro evanhu reInternational Organization for Migration rinoti vanhu mazana maviri nemakumi mashanu nevapfumbamwe vakafa mutsaona iyi.
VaMoyo vanoti pave kuda kuti patsvagwe michina mikuru yekupidigura mazitombo anofungidzirwa kuti achiri akatsikirira vamwe vanhu vari kushaikwa.
Vatiwo panodawo imbwa dzinoshandiswa mukutevera hwemahwe mitumbi kana kuti cadaver dogs.
Vatendawo kuti kuendesa rubatsiro kuchiri kunetsa nekushaya zvikawanisiro zvakaita sezvikopo kopo.
Zimbabwe yakwanisa hayo kuwana rubatsiro nhasi apo European Union yapa chikopockopo chemhando ye Mi-8AMT kuburikidza neWorld Food Programme. Chikopokopo ichi chatotanga kuita basa chichibva muguta reMutare.
Zvichakadaro, vamwe vanhu vekuChimanimani vari kutenda zvikuru VaSanganai Dube Tafura avo vakarwa semvumba kununura vamwe vanhu vainge voyeredzwa nemvura. Vanoti vakakwanisa kununura vanhu makumi maviri nevashanu.
Facebook Forum