Accessibility links

Breaking News

Kutsvaga Mitumbi Kwononoka neKushaya Zvikwanisiro kweHurumende


Kutsvaga mitumbi yevanhu vakashaikwa padutumupengo remafashamu emvura nemhepo kana kuti Cyclone Idai vanodarika mazana matatu kwave kutora nguva yakarebesa nekuti hurumende haina zvikwanisiro.

Vagari vekunzvimbo iyi vanoti hakuna motokari dzekubvisa matombo makuru anofungidzirwa kuti akatsikirira vanhu kana imbwa dzinofunidzapane mitumbi yevanhu.

Mimwe mitumbi iri kuwanikwa haichazivikanwe nekuti inenge yaora zvapa kuti hurumende ikumbire chikoro cheNational University of Science and Technology kuti ivhenenge mitezo yemitumbi kuitira kuti pazivikanwe kuti ndivanani.

NeChipiri South Africa yakati yainge yotumira imbwa kuzobatsira kutsvaga mitumbi yevanhu kuChimanimani neChipinge.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, pamwe negurukota rinoona nezvedunhu reManicaland, Dr Ellen Gwaradzimba, vakatiwo madzishe nemasabhuku uye hofisi yamudzviti vanofanirwa kunyora mazita evanhu vari kufungidzirwa kuti vakashaikwa ava.

Zvikoro makumi masere zvakakanganiswawo nedutumupengo iri.

NeChitatu vakuru veEuropean Union neUnited Nations munyika vakashanyira Chimanimani vakati vari kunetsekawo zvikuru nemitumbi yevanhu isati yawanikwa kusvika pari zvino.

Vakatiwo mamiriro akaita zvinhu munzvimbo iyi anonetsa kuti vanhu vakwanise kufukunura panofungidzirwa kuti pakatsikiririrwa vanhu nematombo kuNgangu, Chimanimani nedzimwe nzvimbo.

Gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vanoti vanhu vafa kusvika parizvino vanosvika zana nemakumi masere nevapfumbamwe uye vamwe zana nemakumi masere nevatanhatu vakakuvara, vamwe makumi matatu nevasere vakakuvara zvakaipisisa.

Hurukuro naVaJuly Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatiwo mhuri dzinodarika zviuru makumi mana dzakatarisana nenzara nekuda kwedurumupengo iri.

Nyika dzakawanda nemasangano akawanda dziri kuenderera mberi nekupa Zimbabwe rubatsiro runosanganisira magumbeze, zvekubikisa, migomo mamosquito nets nezvimwe.

Asi mukuru wesangano rePlatform for Youth Development rinoshanda kuManicaland, VaClaris Madhuku, vanoti vari kushushikana nemashoko ekuti pane vamwe vave kuita zvematongerwo enyika panyaya yekugovera chikafu.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Bato reZanu-PF ndiro riri kupomerwa mhosva yekunyima vanopikisa chikafu.

Asi vakuru vebato iri vari kuti vari kungobatsira nemotokari dzekutakura chikafu.

Mumuriri weChipinga South, uye vari nhengo yeZanu PF, VaEnoch Porusingazi, vanoti hachisi chokwadi kuti bato ravo riri kupindira munyaya dzerubatsiro vachiti nguva ino inguva yekuona kuti vanhu vakatarisana nematambudziko akakonzerwa nedutumupengo vawana rubatsiro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG